Turkey yakapa mabhezari 50

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Turkey yakapa mabhezari 50

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VADZIDZI 50 vemuAfrica, avo vanosanganisira 18 vemuZimbabwe, vachawaniswa mabhezari ekunodzidza kuTurkey pasi pehomwe iri kutsigirwa nehurumende yenyika iyi. NeMuvhuro wadarika vadzidzi vakawanda vakashanyira muzinda wemumiririri weTurkey muno uko kwaisarudzwa vachapihwa mabhezari aya. Mumiriri weTurkey muZimbabwe, Ambassador Hidayet Eris, vanoti pavanhu 250 vakanyorera bhezari iri, vachatora 50 bedzi kubva muAfrica – 18 vacho vari vemuZimbabwe.

“Zimbabwe ndiyo ichange iine vadzidzi vakawanda vatichatora zvichitevera chido chavari kuratidza mudzidzo. Pari zvino tine vadzidzi 48 vakamiririra kupinda muchikamu chebvunzo yesarudzo uye tichatora 18 chete. “Tinofara zvikuru nehuwandu uhwu nekuti gore rakapera takatora vadzidzi 13 bedzi munyika muno,” vakadaro. Vanoti pasi pechirongwa ichi, Turkey iri kubatsira vadzidzi ava nemabhezari emari inosvika US$3 miriyoni.

“Tine bhajeti reUS$3 miriyoni ichashandiswa muzvidzidzo zvavo kwemakore mana kureva kuti mudzidzi mumwe nemumwe achange achishandisa US$200 000. Turkey inyika yakasununguka ,ine runyararo rwakangofanana nerwuri muno muZimbabwe. Hakuna nyaya dzekurwiswa kwevanhu vasiri zvizvarwa zvenyika iyi saka muchange muchifara uye mitemo iriko yakangofananawo neyemuno,” vakadaro.

Vadzidzi ava vanotarisirwa kunoita zvidzidzo zvinosanganisira madhigirii eEngineering, Social Science, Administrative Science, Humanities, Banking neMedicine.

Vamwe vevadzidzi vakange vakamiririra kusarudzwa pabvunzo dzaiitwa vakati vanofara zvikuru kuwaniswa mukana uyu.
Eunice Mashiringwane (17) anoti kana akabudirira anotarisira kunoita Mechanical kana Electrical Engineering.
Gideon Govere (25) anotiwo anoda kunoita Computer Engineering.

Vadzidzi ava vari kutarisirwa kunotangisa zvidzidzo zvavo mumwedzi Gumiguru gore rino.

Share This:

Sponsored Links