Uncategorized

Tv haionekwe baba vasipo

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Tv haionekwe  baba vasipo

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MUMWE mukadzi akaudza dare redzimhosva kuti murume wake anoti kana achinge agumbuka, anotanga kupopota achisvetuka-svetuka zvekusvika pakubata chisuvi chemba achiita kunge chikara uye mumba mavo hamubatidzwe terevhizheni kana iye asipo.

Protilda Mhere akaendesa Peter Sangano kuHarare Civil Court achiti: “Murume wangu ave kundityisa. Anopopota achiviruka kuenda mudenga chaimo kunobata chisuvi zvekuti ndinotombofunga kuti chave chikara.

“Anosvetuka-svetuka zvekuti kana mwana anotiza pamba kana achinge atanga zvake kudya marasha.”

Akati maitiro emurume wake ave kutyira kuti anogona kukanganisa mwana wavo sezvo achigara achiona achiita mhirizhonga.

“Mwana wangu achiri mudiki. Kuti agare achiona mhirizhonga zvinomukanganisa kukura kwake. Ane makore masere chete uye kutaura kuno anototya baba vake, haavafarire. Ndibatsireiwo mambo, ndatambudzika,” Mhere akaudza mutongi wedare iri, Yeukai Dzuda.

Akati anorambidzwa zvakare nemurume wake kushandisa midziyo yose yemumba yakaita semubhedha neterevhizheni achiti ndiye akazvitenga.

“Mwana anotoshuva kuona terevhizheni nekuti baba vake vanomurambidza, vanoti inoonekwa chete kana ivo vachida. Ndinorara nemwana pasi muimba yekutandarira iye ari kubhedhurumu pamubhedha oga,” akadaro.

Mhere akati zvakare murume wake anomupomera kuti ipfambi.

“Anotaura mamwe mashoko anondirwadza achinditi ndiri pfambi. Asi iye akange arovera kuJoni uko akazouya ave kurwara ndikamutambira pamwe nekumupepa. Nhasi uno ndipo ave kundiitira minana yakadai?”  Zvisinei Sangano akaudza dare kuti zvaitaurwa nemukadzi wake manyepo.

“Mudzimai wangu handimbomutuke, ndinomuda chose asi kuti iye ndiye ave kungondirukira nyaya senzira yekutsvaga kuti ndisamuvhiringe panyaya dzezvikomba zvake. Anounza zvikomba pamba achinditi kana zvichikusvota unopinda mumba usazvione,” akadaro.

Mutongi Dzuda akapa Mhere gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vagare murunyararo.

Share This:

Sponsored Links