Tyson oraira Joshua

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Tyson oraira Joshua

Kwayedza

MIKE Tyson ane mashoko ekuraira shasha itsva yetsiva ine bhande reheavyweight – Anthony Joshua – kuti azvibate.

Tyson akave mumwe wevatsigiri vaJoshua zvichitevera kumuona kwaakaita achirova Wladimir Klitschko svondo radarika akaita chadzimira muround rechi11 kuWembley.

Joshua akabva aenzana naTyson kuhwina mitambo yake 19 yeheavyweight yekutanga, achihwina neknockout.

Shasha iyi yekuAmerica iyo yakambonetsa mutsiva yakayambira kuti, “Zviri nyore kukura musoro kana uchigara uchihwina nguva dzose.

“Zviri nyore kuve munhu asingaterere kana wakabva kunharaunda iyo kwange kusina munhu akambokudzidzisa kuzvibata. Haupinde munyika ino wakazvibata. Kuzvibata kunodzidziswa.

“Ndakatombokura musoro uye iye achatombokurawo musoro. Ari kutaura zvekupenga iye zvino.”

Anoenderera mberi achiseka zvake achiti, “Chandinoona ndechekuti dambudziko rake iye zvino chete kutadza kuzvidzivirira kana akasimudza ruoko rwake rwekurudyi. Angakwanise kubvisa nhoroondo yaMarciano yekuhwina mitambo 49 asina kumbokundwa? Ehe anozvikwanisa.”

Tyson panguva yake akave mutambi wetsiva wechidiki wekutanga kuhwina bhande reheavyweight aine makore 20 okuberekwa mugore ra1986.

“Muhombe kudarika mumwe mutambi asina kumbobvira akundwa mutsiva – Floyd Mayweather. Floyd mutambi anogona, asi kana ukaenda kunoona tsiva unoda kuona mumwe mutambi achikuvara. Unenge uchida kuona Klitschko achirwa naJoshua.

“Haudi kuona mutambo uchisvika muround rechi12 vatambi vachingobhabhadzirana. Akasiyana nevamwe vatambi vemuheavyweight. Joshua anonakidza kuona. Kana akatamba sematambiro aakaita naKlitschko mutambo wese unobva washanduka,” anodaro Tyson. – SportMail Boxing.

Share This:

Sponsored Links