Uhuru Cup: DeMbare 7, Bosso 7

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Uhuru Cup: DeMbare 7, Bosso 7

Kwayedza

SVONDO rino achange ari makuwerere musi weMugovera kunhandare yeNational Sports Stadium apo pachatambwa fainari yemutambo weZimbabwe Independence Trophy uyo wave kuzivikanwa seUhuru Cup.

Mutambo uyu wakatanga kutambwa muna 1983 uye gore iri Dynamos ‘DeMbare’ FC ndiyo yakasimudza mukombe. Kusvika parizvino DeMbare yakatora mukombe uyu kanokwana kanomwe iyiwo Highlanders ndokuhwinawo kanonwe zvakare.

Mutambo uyu unotambwa gore rega-rega pazuva rekupemberera kuwana kuzvitonga zvizere kwenyika yeZimbabwe uye zvikwata zvina izvo zvinenge zvakapedza zviri muTop 4 muCastle Lager Premier Soccer League mwaka unenge wadarika ndizvo zvinokwikwidza mumutambo uyu.

Gore radarika, mukombe uyu wakatorwa neFC Platinum apo payakunda Dynamos FC 3-0 kumapena mushure mekunge mutambo wapera ari mangange 1-1.

Aka kakange kari kechipiri FC Platinum ichitora mukombe uyu zvichitevera kuhwinha kwayakaita zvakare muna 2012 apo payakakunda Motor Action 4-1 kumapena mushure mekunge mutambo wapera uri mangange zvakare 1-1.

Zvakadaro, mugore ra2013, DeMbare yakahwinha mukombe uyu payakunda Highlanders FC 1-0 mumutambo wakatambirwa kunhandare yeNational Sports Stadium, muguta reHarare.

Muna 2011, mutambo uyu hauna kutambwa asi mugore ra2010 Dynamos ndiyo yakasimudza mukombe mushure mekunge yakunda Highlanders ‘Bosso’ 2-0 mufainari.

Kubva pakaparurwa mutambo uyu mugore ra1983, zvikwata zviviri Dynamos FC neHighlanders zvakahwina mukombe uyu kanonwe.

DeMbare ine mukana mukuru wekutangamira yoenda pamusoro peBosso hunge yakahwina gore rino sezvo Bosso isiri kukwikwidza mumutambo mwaka uno.

Dynamos yakasimudza mukombe weUhuru mumakore anoti 1983, 1984, 1990, 1995, 2004, 2010 ne2013 kozoti Bosso ikaihwapurawo mumakore anoti 1986, 1988, 1991, 1998, 2001, 2002 ne2011.

CAPS United ndiyo inotevera kumashure meDeMbare neBosso, yakahwinawo mukombe uyu kananokwana kana mumakore anoti 1992, 1993, 1996 ne1997.

Gore rino, Kepe-Kepe yadzoka mumutambo uyu uye ichange ichitarisira kuuhwinawo.

Fainari yegore radarika yakaona Dynamos FC ichibandana neFC Platinum mumutambo uyo wakapera uri mangange 1-1, Platinum ikazohwina 3-0 kumapena.

Zvakadaro, mumutambo uyu Steven Magorimbo ndiye akavhurira kunwisa DeMbare ndokutungamira asi Qudr Amin wePlatinum ndiye akadzora chikwata chake mumutambo uyu.

Zvikwata zviviri izvi zvakapinda muextra-time asi pakashaikwa chakakwanisa kukunda chimwe ndokuenda kumapena.

Vatambi veDeMbare vanoti Ronald Chitiyo, Devon Chafa pamwe naThemba Ndlovu vose vakatadza mapena avo zvakaita FC Platinum ‘Kugona kunenge kudada’ ibvutire Dynamos mukombe uyu.

FC Platinum: VATAMBI veFC Platinum vachipemberera zvichitevera huhwinha kwavakaita mukombe weZimbabwe Independence Trophy gore rapera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>