Uncategorized

‘Uku kuroyiwa kwepamusoro’

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Uku kuroyiwa kwepamusoro’

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti Vambe akaroyiwa.

“Pane kuroya kweshavi, koita zvimwe zvekupfidzisa uchinzi unodada kana kuti kuonererwa kana totaura zvemazuva ano. Vanhu vakaroya murume uyu vaida kutomuuraya ipapo asi vakazvitadza,” vanodaro.

Madzibaba Elias Gomwe vechechi yeJohane Masowe kuChitungwiza vanotsinhira vachiti aya mabasa ehuroyi.

“Uku kuroyiwa kuri pachena uye kwakasimba nekuti hakuna munhu anongoerekana asisaone, kuita seapfurwa nepfuti. Baba ava ngavafambe mhepo dziri pavari dzibviswe uye dzimwe nguva denga rinovadavira,” vanodaro.

Sekuru Friday Chisanyu vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners vanoti dambudziko rina Vambe rinogona kupera kana akabatsirwa nezvitopota zven’anga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey