Uncategorized

‘Uku ndiko kurapa mbavha’

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘Uku ndiko  kurapa mbavha’ Sekuru Mutanga

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
MUMWE chiremba wechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga veku- Ushewokunze, muHarare, vanoti mishonga yekubata mbavha yakanaka zvikuru nekuti inoita kuti vanhu vachengetedze midziyo nemari yavo nehumwe upfumi.
Vanoti mishonga yakaita sewakashandisirwa Talent Zuze wekuEpworth nasekuru vake apo aivabira mari “ndiko kurapa mbavha”. Sekuru Mutanga handivo vakapa mishonga yakashandiswa kubata tsotsi iri asi imwewo n’anga iri muHarare.

“Rukwa mishonga inoshandiswa kuti mbavha — makororo — awanikwe achidzungaira akabata zvinhu zvavanenge aba,” vanodaro. Vanoti mimwe mishonga yacho ndeyekuti vanhu vakadya nyama yedzingava huku kana zvimwe zvipfuyo zvinenge zvabiwa, vanochema sezvinoita zvipfuyo izvozvo.

Share This:

Sponsored Links