Uncategorized

Unenge uri kondomu raSatani

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
MUNHU anosvikirwa anonzi ihomwe. Kana tikatsvaga kuti homwe chii, tinoona kuti homwe inzvimbo yekuisira zvinhu, uye kana taisa zvinhu muhomwe, tinogona kuzviburitsa, toisa zvimwewo.

Saka homwe haisi yechinhu chimwe chete, asi kuti inopinda zvinhu zvichibuda, inotakurirwa zvinhu asi zvinhu zvainotakura hazvigare imomo zvachose. Semapindiro azvinenge zvaita, ndiwo mabudiro azvinoitawo.

Homwe inogona kunge iri yako, asi unogona kusaishandisa iwewe muridzi wehomwe. Homwe inogona kuiswa zvinhu nemunhu asiri muridzi wayo. Mumwe munhu anogona kuisirwa mari kana mbanje muhomwe make nemumwe munhu.

Kushandiswa kwehomwe nenzira yakanaka, ndekwekuti munhu azviisire zvinhu zvaanoda muhomwe make oga. Ukasiya vamwe vachiisa zvavanoda muhomwe yako, unogona kuisirwa nyoka sezvakaimbwa naLovemore Majaivana kuti, “Muhomwe yemupurisa mune nyoka inoruma.”

Chimwe chinoitika nehomwe ndechekuti kana ikaisirwa zvinhu zvakawandisa, kana zvinobaya, inobvaruka kana kubooka. Kana homwe ikapinda zvinhu zvinonhuhwa, nemuridzi wehomwe yacho anonhuhwawo. Kana homwe ikaisirwa zvinhu zvinocheka kana kubaya, inogona kukuvadza nyakuisa zvinhu izvozvo kana vamwewo.

Tichiri vadiki taigona kuisa reza dzekuchekesa rekeni muhomwe, asi dzaizokuvadza vaiwacha hembe dzedu.

Svikiro zvinoreva munhu anenge apindwa nemumwe mweya zvekuti zvaanenge ave kuita nekutaura zvinenge zvisisiri iye wemazuva ose wamunoziva. Nekuda kwemweya unenge wapinda mumunhu, vamwe vanhu vanogona kukwira miti vakagara pasingagarike nemunhu – imi mofunga kuti chishamiso, asi munhu anenge atorerwa muviri wake nemumwe mweya kuti zvidaro.

Muhupenyu hwedu kune mweya mizhinji inenge maroja ari kutsvaga imba yekugara. Kana tikabvuma kupa mweya iyoyo pekugara, haibhadhare rent, mvura nemagetsi. Saka zvakakosha kudzidza kutaura uchiramba mweya yose yose.

Iriko mweya inoita kuti vanhu vakaigashira vatengerwe zvinhu zvavanenge vachitengesa. Mimwe mweya inorotesa kune mari kana kuporofita chaiko.

Kana munhu akabvuma kupa mweya yemasvikiro nemashave nzvimbo, anenge ave kurarama sezvinoda mweya iyoyo. Chinonetsa ndechekuti mweya mizhinji inonyengera, uye haibude pachena pamusoro pezvainovavarira kuzoita kana yapinda mumunhu. Asi chiripo ndechekuti haupindwe nemweya yenyika ino mahara.

Todzoka kumweya waMwari. Mweya waMwari wakazvizivisa kare, uye unozivikanwa nezvaunoita kana wapinda mumunhu – unopa mufaro, rugare, rudo, mwoyo murefu nezvimwe zvakanaka.

Saka kana tichinzwisisa kushanda kwehomwe yemudzimu, masvikiro nemashave, hatifanire kunetseka nekunzwisisa kuti Jesu mweya, uye kuti kufanana nemweya yemudzimu, masvikiro nemashave, mweya waJesu unogona kupinda ukagara mumunhu anenge achiuda.

Nekuda kwekuti tiri homwe, vanogamuchira mweya waJesu, vanofanira kubva varamba mimwe mweya nekuti vanobva vaita munhu mutsva mumweya wavo. Zvinhu zvakare zvinobva zvapfuura, uye zvinhu zvose zvove zvitsva naJesu.

Asika, nyaya yakanaka pakuve homwe yaJesu ndeiyi – Mwari zvavanenge vaita mumweya hazvishanduke nyangwe iwe ukashanduka pakuita kwako! Hapana munhuwo zvake aikwanisa kuronga nekuita zvinhu zvinenge kuzvarwa patsva pamwe chete nezvimwe zviitiko zvakaitika mumweya yedu yakazvarwa patsva muna Jesu.

Zvinhu zvakaoma kunzwisisa kuti Mwari vangagare matiri uye kuti mweya yedu igove sezvakaita Mwari.

Mweya yemasvikiro, mashave nemidzimu inopinda muvanhu ichishandisa vanhu, asi haikuite munhu mutsva, inotokusakadza. Inogona kukuitisa zvinoshamisa, ugotamba bhora, ugoimba zvekuchemedza vanhu, nekuba usingabatwe, asi unenge uri kondomu raSatani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>