Uncategorized

unfpa yobatsira vanhukadzi

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
unfpa yobatsira vanhukadzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reUNFPA riri kubatsira madzimai nevanasikana nezvekushandisa panguva yekutevera uye midziyo nemishonga inoshandiswa muzvipatara pakusununguka.

Svondo rapera UNFPA yakapa madzimai nevanasikana vekuMuzarabani zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira zvipfeko zvemukati, sanitary pads, mazambiya, mabhegi nemishonga nemidziyo inoshandiswa muzvipatara pakusununguka.

Vachitaura pachiitiko ichi paDambakurima Primary School, gurukota rinoona nezvevanhukadzi, kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume nekusimudzirwa kwenharaunda – Cde Nyasha Chikwinya – vanotenda zvikuru rubatsiro urwu.

“Munguva yemafashamu, Hurumende yakaedza nepayaigona kubatsira vanhu venzvimbo ino nedzimwe nechikafu, matende uye magumbeze.

‘‘Asi rubatsiro urwu rwainge rwusina kukwana nekuti madzimai nevanasikana vanosanganawo nematambudziko ekushaya zvekushandisa mukuchengetedza utano hwavo panguva yekutevera nepakusununguka.

“Saka tinotenda UNFPA nekutsigira utano hwevanhukadzi nekuvabatsira nezvipfeko zvemukati uye kutsigira kwavari kuita zvipatara zvemuno nemishonga kuti madzimai nevanasikana vasarasikirwa neupenyu panguva yekusununguka,” vanodaro.

Cde Chikwinya vanoti vanoshushikana nekuwanda kuri kuita nyaya dzekubatwa chibharo kwevanhukadzi.

“Ndiri kurwadziwa zvikuru nenyaya dzekubatwa kuri kuitwa madzimai, vanasikana nechembere chibharo. Saka tinoda kuti vapari nemhosva dzerudzi urwu vange vachipihwa chirango chinodarika makore makumi mana ekugara mujeri,” vanodaro.

Cde Chikwinya vakawanawo mukana wekumema Dambakurima Clinic uye vakavimbisa kubatsira mukuvakwa kwemuzinda wekuti madzimai akazvitakura ange achigarira pedyo nechipatara (mother’s waiting home).

Vanoti vachaita izvi vachishanda pamwe chete nesangano reOasis Mother of Hope.

Cde Chikwanya vanovimbisa zvakare kuti vachabatsira vagari nenzvimbo iyi kuti vatange mabhindauko ekuchengeta huku nekuvawanisa midziyo yesolar zvinova zvichabatsira mukuderedza nyaya dzekutemwa kwemiti zvisina tsarukano.

Ishe Alfonce Chusu Muzarabani vanotendawo ruyamuro urwu vachiti dunhu ravo rinoda rubatsiro gore negore nekuda kwedambudziko remafashamu.

“Muno matinogara mugomba chaimo nokudaro kana kukangonaya mvura shoma dzimba dzinobva dzanyura madzimai opedzisira ava kusunungukira munzira nekuda kwekuti kunenge kusisina motokari dzinofamba. Mamwe makiriniki anodhirika kana mvura ikawandisa,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Mai Choice Damiso, avo vanove programme specialist kusangano reUNFPA vanoti donzvo ravo nderekusimudzira raramo yemadzimai nevana.

“Zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, dzimwe nzvimbo dziri kuwana mvura zhinji asi kumwe kuchipisa zvakanyanya zvichiunza nzara nemamwe matambudziko anokanganisa kuwaniswa kwenyaya dzeutano kumadzimai nevana.

‘‘Tiripo pakuvatsigira panguva yekumanikidzika kuti vange vachirarama upenyu hwakanaka,” vanodaro.

Vanoti kunze kweMuzarabani, dzimwe nzvimbo dzavari kubatsira dzinosanganisira Mbire, Tsholotsho neRushinga.

Mumiriri weMuzarabani North mudare reNational Assembly, Cde Alfred Mafunga, vanoti dunhu ravo rakatarisana nedambudziko remigwagwa inoda kugadzirwa zvichitevera kuparadzwa kwayakaitwa nemafashamu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey