‘Unodaidza vana nemushonga’

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
‘Unodaidza vana nemushonga’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUMWE mudzimai anoti vana vake vakatandirwa mamhepo apo vakapihwa chikafu nemukadzi akaroorwa neaimbove murume wake izvo zvinoita kuti avashevedze panguva yehusiku achishandisa mishonga.

Minfilda Chawengwa akamhan’arira Sakina Zimba kudare achiti haadi kuti asvike pedyo nevana vake pasina mvumo.

Chawengwa anoti akasiya vana vake vaviri mushure mekurambwa nemurume akazoora Zimba, uyo akazogara nevana ava asi achivashungurudza.

“Ndinoda kuti amai ava vasasvika pedyo nevana vangu ndisina kuvapa mvumo nekuti izvozvi handina rugare nevana, vave kuita kunge vane mamhepo.

“Izvi zvinongoitika kana Sakina asvika pedyo navo. Vana ava ndakavasiya mushure mekunge ndarambana nemurume wangu achiroora Sakina,” anodaro Chawe- ngwa.

Anoti akanzwa nemakuhwa kuti Zimba ari kushungurudza vana vake.

“Ndasiya vana kudaro, ndakazonzwa nevanhu kuti vana havana kugara mushe, vaishungurudzwa vachirohwa uye vange vogara kunochengetwa nherera nevana vanotambura. Ndipo pandakanovatora,” anodaro Chawengwa.

Anoti Zimba akazotsvaga kwaaigara nevana uye pachikoro pavanodzidza apo akazoenda ndokusvikovapa chikafu, vana vachibva vatanga kuita sevagarwa nema- mhepo.

“Dambudziko rakazotanga mushure mekunge amai ava vatsvaga kwatinogara uye pachikoro chinodzidza vana apo akasvikovapa chikafu chavakadya chimwe vakauya nacho kumba icho ndakazovarasisa. Ndipo pakatanga nyonga-nyonga vana vave kuvhumuka vachiti vanoda kuenda kuna Sakina,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Mwana wangu musikana ndiye anonyanya kuita izvi uye anotombotiza pamba husiku achiti ari kudevedzwa naamai ava. Musikana uyu rimwe zuva akatombonorara kumaraini atiza kumba ndokuzotorwa nevamwe amai zvechisimba asi aingochema achiti anoda kuenda kuna Sakina.”

Zimba anopikisana naChawengwa achiti kuenda kwaakaita kuchikoro kwevana aida kuziva kuti vanobhadhara marii yefizi. “Zviri kutaurwa izvi handizvizive uye handina kuroya vana, asi kuenda kuchikoro ndakenda sezvo ndaida kunobvunza kuti vanobhadhara marii yechikoro nekuti amai vavo vainge vanyepa kuna baba vavo.

“Ehe, chikafu ndakavapa machipisi nemadhiringi, asi ndingaroye vana vandaigara navo here?” ano- daro.

Zimba haana zvaakataura mudare pamusoro pemashoko ainge ataurwa naChawengwa ekuti aishungurudza vana ava pamwe nekuti akavaendesa kunogara kunochengetwa nherera.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Chawengwa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links