‘UNZAI NIGERIA, GHANA’…Muzongondi oti Zim ngaigadzirire kuenda Rio

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
‘UNZAI NIGERIA, GHANA’…Muzongondi oti Zim ngaigadzirire kuenda Rio Felistas Muzongondi

Kwayedza

Abel Ndooka
MUKURU wevatambi vechikwata chenhabvu chevanhukadzi chenyika (captain), cheMighty Warriors, shasha Felistas Muzongondi anoti anokurudzira vamwe vatambi kuti vasafunge zvakawanda pari zvino kunze kwegadziriro dzavo dzekuenda kunokwikwidza kumitambo ye2016 Summer Olympics kuRio de Janeiro, kuBrazil gore rinouya.

Mutambi ane mukurumbira uyu anoti Zimbabwe inofanirwa kuronga mitambo nezvikwata zvikuru zvakaita seGhana, Nigeria kana Japan segadziriro dzekuenda kuRio.

Muzongondi anoti vamwe vatambi vanofuririka nezvinhu zvisina basa saka zvakakosha kuti nhengo dzechikwata chavo dzifunge zvakasimba negadziriro dzemitambo iyi.

MaMighty Warriors akanyora nhorowondo yenyika ino mune zvenhabvu nguva pfupi yadarika apo vakabudirira kuenda kunokwikwidza kumaOlympics mushure mekuita mangange 2-2 neCameroon.

Mumutambo wekutanga wakatambira kuCameroon, maMighty Warriors akakundwa 2-1 asi ndokuzohwina 1-0 muno kuRufaro Stadium.
Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Muzongondi anoti ino ndiyo nguva yekuti chikwata chavo chigare chakabatana mukuita gadziriro dzacho dzekuenda kumakwishu ekuBrazil.

“Ino inguva yekuti tisimbise gadziriro dzedu dzekuenda kuRio kwete zvekutsvaga zvinhu zvisina basa. Isu vanhukadzi tinofuririka nezvinhu zvisina basa uye miyedzo inouya yakawanda saka zvakakosha kuti tizvichengetedze tisabvume kunyengedzwa.

“Ndiri kuudza vamwe vatambi vemuchikwata chedu kuti ngatifunge zvenhabvu chete kusvika taenda kuRio nekuti kumutambo uyu kunofanirwa kunobatwa basa sebasa,” anodaro Muzongondi.

Apo maMighty Warriors ari kuita gadziriro dzekuenda kumaOlympics, Muzongondi anoti anoshuvira kuti chikwata chavo chitambe mitambo yakawanda yehushamwari nezvimwe zvikuru zvakaita seNigeria, Ghana, Japan kana Germany.

Anoti kutamba nezvikwata zvihombe izvi zvinobatsira maMighty Warriors zvakanyanya kusimbisa nhabvu yavo kuti isimukire.
“Tiri kuda chaizvo kuti titambe mitambo yakawanda yehushamwari nezvikwata zvihombe zvakaita seNigeria, Ghana zvemuno muAfrica uye kana zvikafamba zvakanaka totambawo kana neGermany neJapan.

“Kutamba nezvikwata zvikuru izvi kunotibatsira zvakanyanya nekuti toga tinokwanisa kuzviongorora kuti tiri kutamba nhabvu yepamusoro here,” anodaro Muzongondi.

Share This:

Sponsored Links