Uri baba pakudii?

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Uri baba pakudii?

Kwayedza

NYAYA dzekushungurudzwa kwevanhukadzi mazuva ano dzinoratidza sedziri kuwanda uye dzimwe dzacho dzakadzama zvikuru.

Senyaya yatinayo svondo rino, iyo iri paPeji 2, yemwanasikana anoti akaitiswa mwana wake wekutanga nababa vake apo vaimubata chibharo.

Sekutaura kwemukadzi uyu, baba vake vaimubata chibharo kusvikira abata pamuviri uye ndivo zvakare vakamusunungutsa mwana waakazozvara. Aya makunakuna ane musiyano nekuti hazvisati zvambonzwikwa kuti baba vanosunungutsa mwanasikana wavo.

Chinorwadza panyaya iyi ndechekuti mukadzi uyu anoti amai vake vanoziva zvose pamusoro penyaya iyi uye vaitomukurudzira kuti atevedzere zvaidiwa nababa vake, ivo vakatarisa.

Baba kubhinya mwanasikana wavo wekubereka? Pedzezvo voita ndivo hunyamukuta? Iwe amai — munhukadzi — wakayeva? Ndicho chii ichocho? Hapana zvevabereki apa!

Chokwadi munhu waamai usingarwadziwe nekuda kwemwana wako wekutumbura zvekuti unorega murume wako achikuchinjanisa nemwanasikana wako wekubereka?

Chimwezve chinorwadza panyaya iyi, sekutaura kwemwanasikana uyu, ndechekuti baba vake vakatombosungwa vakanopika jeri neimwe mhosva yekumubata chibharo, asi pakavadzoka vakaenderera mberi nekumubhinya achibva abata mimba.

Anoti akatya kunomhan’ara nyaya iyi zvakare nekuda kwemishonga yaanoti anoshandisirwa nababa vake uye amai vake havadi kuti mhosva yakaparwa iyi izivikanwe.

Ndivo vaanoti vanomurambidza kumhan’ara nyaya iyi, anove maitiro akaipa zvikuru. Zvisinei, mwanasikana uyu anoti afunga kubuda pachena nenyaya iyi nekuti iri kumushaisa hope siku nesikati uye varume vose vari kumuwana vari kungofa zvisina tsarukano.

Chokwadi ndechekuti nyaya yakadai haizi yekuti munhu anoramba akainyarara nekuti inokuvadza kusvikira pamwongo chaipo.

Pamusoro pezvo, mwanasikana uyu anoti haabvumidzwe kuti atore mwana waakazvariswa nababa vake uyu semwana wake, asi semunin’ina wake. Zvakaitwa nevabereki vemukadzi uyu ndihwo hunonzi huroyi hwekupedzira.

Baba vake havana kana ganda kumeso, chokwadi vangati mushure mekumitisa mwanasikana wavo, voti mwana waazvara ngaamutore semunin’ina wake?

Ukama pakati pababa ava nemwana wemwanasikana wavo hwakamira sei? Kune nyaya dzakawanda dzerudzi urwu dzisiri kumhan’arwa kumapurisa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Semaonero edu, nyaya dzakadai hadzifanire kuvanzwa uye dzinofanirwa kumhan’arwa kumapurisa anenge akapara mhosva oendeswa kumatare edzimhosva. Vanhu vakadai ava ngavaworere mumajeri.

Sekubuda kwaita nyaya iyi, mapurisa anofanirwa kutora matanho akakodzera ekusunga murume uyu zvose nemudzimai wake. Ngavanogara kujeri nekuti vakundikana kuita vabereki.

Zvakaitwa izvi ironda risingapore kumwanasikana uyu uye hazvitarisirwe kunge zvichiitwa nemunhu anonzi mubereki.

Kana ivo vanhu vemunharaunda, vanofanirwa kufumura mhosva dzakadai pane kunyarara vachitya.

Ibasa remunhu wose kuchengetedza kodzero dzevanhukadzi uye nyaya dzekushungurudzwa kwavo ngadzisavanzwe asi kuti dzimhan’arwe kumapurisa mutemo woita basa rawo.

Share This:

Sponsored Links