‘Uri gweta iwe, chengeta vana’

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Uri gweta iwe, chengeta vana’

Kwayedza

Sandy Musungata
MURUME wekuendeswa kudare nenyaya yemendenenzi akati hapana kana kobiri raanobvisa sezvo ari kukwangwaya kuSouth Africa uko kwaanoshanda uye mukadzi wake anokwanisa kuchengeta vana oga sezvo achishanda segweta. Esther Bvumbi akaendesa Peter Bvumbi kuHarare Civil Court achida $900 yemendenenzi yekuchengeta vana vavo.

“Changamire, ndati ndimhanyire kuno nekuti baba ava havana kana chavari kuitira vana vavo. Mariritiro andinoita vana ndeechirikadzi chaiyo nekuti havana kana chavari kuitawo. Ndaikumbira dare kuti riteme $900 yekuchengeta vana vake vatatu,” akadaro Esther.

“Vana vanoda mari yechikoro, zvekudya nezvimwewo saka zviri kundiomera ndiri ndega. Iye anoshanda kuSouth Africa achiwana mari saka ngaabvise mari yandataura, iniwo ndinoshanda ndichabvisawo $650 kuti ikwane zvose zvinodiwa nevana nekuti ibasa revabereki vese kuchengeta mhuri.”

Peter akabva adudzira dare pachena kuti haana kana kobiri raakagadzirira kubvisa kuchengeta vana vake achiti vanokwanisa kurarama nemari yemakombi aakatengera Esther. “Amai ava vari kuda kusvina mari yese yandinowana, handizivi kuti ndakanyanyokanganisa papi. Chekutanga, amai ava ndakavabatsira kutenga makombi maviri yechitatu ndikavatengera ndega zvekuti pamwedzi vanobata mazakwatira anosvika kuma $2 000.

“Ndine imba zvakare kuMsasa yandakatenga ndisati ndaroorana naye iyo yaari kurojesa achiwana $650 saka handizivi kuti imwe mari yaave kuda kwandiri ari kuti ndiiwanepi iye achibata mari yakawanda kudaro. Semanzwisisiro angu mendenenzi inotorwa kana baba vasina chavari kuita uye vana vachitambudzika vasingachengetwe. Ndakasununguka chaizvo kuti vana vangu havana chavanoshaiwa uye iye igweta, ane mari chaizvo. Ini ndini ndiri kutokwangwaya kuSouth uku nekuti ndezvekubatanidza.”

Esther akabva amugamha achiti: “Usade kutaura manyepo, makombi ndakatenga ndega nemari yangu yekubasa. Dai taibatsirana sei ari muzita rangu ese uye makombi ari kushanda maviri chete. Nyangwe zvakadaro unotofanirwa kubvisa mari yekuchengeta vana vako.”
Mutongi T. Nyatsanza akati vaviri ava vazodzoke kudare apo aizopa mutongo panyaya yavo.

Share This:

Sponsored Links