Uri papi nekuda zvinhu?

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
MAGAMBA vanhu vakazvipira kuita zvavaifanirwa kuita, vakatsungirira kusvikira zvaitika.

Asi panguva yatinotaura nekurangarira magamba, ini ndinorangarirawo imwe mhando yevanhu vasiri magamba. Ndinorangarira vaye-vaye vakatengesa nekuda zvinhu, vaye-vaye vakadzokera kumashure nevaye-vaye vakapanduka.

Kufa kunotyisa, saka kana munhu aomerwa anogona kuti zviri nani nditize mhandu. Kuzvipira kwakaoma kana watarisana nerufu.

Ini muzukuru wangu panguva yehondo akabatwa aine girinedhi raakanga apihwa nemakomuredhi. Akaramba kutengesa makomuredhi zvekuti akarohwa zvekunge achafa, akanoiswa kuChikurubi naSmith.

Dzimwe nguva tinopedzisira tisisazive kuti mhandu yedu ndiani? Kare zvaive nani nekuti taive nemhandu imwe chete. Kana zvinhu zvanyatsooma, kazhinji ndipo panoonekwa hunhu hwedu chaihwo. Peter muBhaibheri akanga ati kuna Jesu handikusiyei nyangwe zvikarema sei. Asi Peter akazotengesa Jesu nekumuramba katatu.

Zvakangooma hazvo kumira pamberi paJesu uchinyatsotaura manyepo. Kutya kunoita kuti ufuratire chokwadi. Ndizvo zvakazoita kuti Peter abve pamoto achinochema zvikuru.

Mushure mekunge Jesu afa, Peter akavhiringika pamwe chete nevamwe vadzidzi vaJesu. Zvese zvakanga zvaitika kwainge kurota. Jesu akanga amutsa vakafa kuvafi akanga azofawo. Mushure mekunge Jesu afa, Peter akaenda kunobata hove.

Dai Jesu aivepo aimuudza kuti “Peter, ino haisi nguva yekunotsvaga hove.”

Pane zvinhu zvakawandisa zvakanga zvaitika. Vadzidzi vaifanirwa kuti vanamate vachisimbisana nemashoko aJesu, asi kwete, vakanga vavhiringika zvekuti vhangeri rese rakanga ratama.

Chakanga chasara kunyanya kuna Peter, kwaive kudzokera kubasa rake raakanga awanikwa naJesu achiita pakutanga. Kubata hove.

Kufanana nevanhu vafirwa nehama yavo vobva varangana kuenda kubhawa, Peter akaenda nevamwe vadzidzi kusiriko. Asi husiku hwese Peter nevamwe vake havana chavakabata.

Doro rekunwa uchitiza nhamo haridhake zvakanaka, rinokuita benzi. Peter arara akasvinura asina chaabata kana gakandye zvaro, Ishe Jesu vakauya kunze kwayedza. Vakamuudza kuti akande mambure mumvura.

Peter akaita saizvozvo, asi asiri kuziva kuti ndiJesu ari kumuudza zvekuita. Peter akabata hove dzaakatadza kuburitsa mumvura. Peter ndipo paakazoziva Jesu. Jesu uye waakanga aramba katatu.

Unotangira papi nyaya nemunhu wawakapedzisira kutaura naye uchimuramba pakazara vanhu?

Peter akanga afanana nechikorobho chakaguta nemvura, hachikorobhe chinhu, chinotoda kutanga chasvinwa.

Jesu akakoka Peter nevamwe vake kuti vauye kumoto waakanga abatidza, kwete moto waPeter waaidziya paakazomuramba katatu. Ipapo zvinhu zvakatanga kuita sezvinozvidzokorora kuna Peter. Vakanga vadzokera pamoto. Jesu akanga aripo, asi asisina kusungwa.

Kufanana naPeter akamuramba katatu, Jesu akabvunza Peter katatu kuti, “Simon mwanakomana waJona unondida here?” Jesu akabvunza Peter zvekuti Peter akasara padiki-diki kuchema. Nyangwe zvazvo Bhaibheri rechiShona richiti, “Simoni mwanakomana waJona, une rudo neni kupfuura ava here?” MaBhaibheri echiRungu anoti, “Do you love me more than these?” “These” yakaturikirwa ichinzi ava, asi yaifanira kuturikirwa ichinzi “izvi.” Jesu akanga achitaura kuda zvinhu kwaPeter.

Peter akanga adzokera kumashure, kumambure, kune zvemabhoti nekubata hove. Izvozvo ndizvo zvaaizivikanwa nevanhu asati azove mudzidzi waJesu. Ko iwewo uri papi nekuda zvinhu? Jesu akakubvunza kuti unomuda here kudarika zvinhu, unomuti kudii?

Peter paakadzokera kunobata hove, chaasina kuziva ndechekuti hove dzaaida kubata ndedzemunhu waakanga aramba katatu paaidziya moto. Haungade zvinhu zvaJesu asi uchiramba Jesu.

Share This:

Sponsored Links