Us$4m yekurwisa hiv, nzara muZim

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
HURUMENDE yeUnited States yakapa rubatsiro rweUS$4 miriyoni kuZimbabwe yekusimudzira utano hwevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV nevaya vakatarisana nenzara kumativi mana enyika.

Rutsigiro urwu rwakapihwa pasi pechirongwa cheUS President’s Emergency Plan for AIDS Relief (PEPFAR) kuburikidza neUS Agency for International Development (USAID).

Masangano anoti World Food Programme WFP) neUnited Nations Children’s Fund (UNICEF) ndiwo ari kuona mafambisirwo echirongwa ichi.

Mari iyi ichashandiswa zvakasiyana kusanganisira kutenga zvekudya zvinovaka muviri muzvipatara nemakirinika zviri muHarare, Bulawayo neMutasa District. Donzvo ndere kuderedza nyaya matambudziko evane utachiona hweHIV neTB.

Unicef ichaonawo kuti nyaya dzekuwaniswa kwemvura yakachena dzavandudzwa kumatunhu gumi enyika ayo akatarisana nenzara anove zvakare ane huwandu hwakanyanya hweHIV.

Chirongwa ichi chichabatsira mhuri 350 000 uye chine chinangwa chekuderedza huwandu hwevanhu vari kurasikirwa neupenyu nekuda kwezvirwere zvemanyoka.

“Kuwaniswa kwekudya kuvanhu vari kurarama neutachiona hweHIV kwakakosha zvikuru nekuti kunoita kuti varambe vaine chido chekutora mishonga yavo,” vanodaro VaEddie Rowe, avo vanove mumiriri weWFP muZimbabwe.

Mumiriri weUnicef muZimbabwe – Dr Mohamed Ayoya – vanotiwo kuwanda kwemvura mwaka uno kuri kuita kuti zvirwere zvemanyoka zvinge zvichiwedzerawo kumhuri zhinji, zvikuru kune vari kurarama neutachiona hweHIV sezvo vari kukundikana kuwana mvura yakachena.

“Hazvikwanisike kuti vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV vatore mishonga yavo yemaAnti-Retroviral Drugs kana mudumbu musina chikafu. Saka kana vachinge vasina kudya pane mikana yekuti vanogona kumbomira kutora mishonga yavo zvinova zvine njodzi nekuti mishonga iyoyo inogona kutadza kushanda zvichizoita kuti utachiona uhu hurambe huchiwedzera pozova nekunyuka kwezvimwe zvirwere ,” vanodaro.

Zvakadai, boka rePEPFAR rakapa US$135 miriyiyoni kuZimbabwe gore rapera yekurwisa kupararira kweHIV neAIDS izvo zvakaita kuti rubatsiro urwu rwusvike paUS$650 miriyoni kubvira muna 2006.

Share This:

Sponsored Links