Usafungirwe neWhatsApp

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Usafungirwe neWhatsApp

Kwayedza


KUBVA nemusi weMugovera wadarika, veruzhinji vange vachimhanyidzana kuzvitoro zvinotengesa zvinhu zvakasiyana — kunyanya chikafu — vachitenga zvakawanda kana kuti kuhodha.

Izvi zvinotevera runyerekupe rwemashoko akafambiswa kuburikidza nedandemutande reWhatsApp kana kuti social media achiti zvinhu zvakaita sechikafu nezvimwe zvichashaikwa munyika.

Vanhu vaimhanyidzana kuzvitoro zvikuru zviri mumaguta akadai seHarare vachihodha zvinosanganisira mafuta, shuga, mupunga kana nematishu chaiwo. Vezvitoro vakatorawo mukana uyu kukwidza zvavanotengesa. Mitsetse yemotokari yakatanga kuonekwa mumagaraji enotengesa mafuta ekufambisa.

Asi chinoshamisa ndechekuti zvisinei nekuhodwa kuri kuitwa zvinhu izvi, zviri kungoonekwa zvizere muzvitoro, peturu inongovamo mumagaraji.

Saka zvinokahadzisa kuti chii chiri kumboitika? Chinangwa chekukonzera kuti vanhu vafunge kuti zvinhu hazvina kugadzikana ndechei? Ndiyani ari kukonzeresa izvi? Semaonero edu, hapana chikonzero chekuti vanhu vange vachivhunduka uye veruzhinji vanofanira kusiyana nekatsika kekungoterera zvose zvinobuda padandemutande rakaita seWhatsApp, Facebook kana Twitter sezvo zvimwe zvacho zvisina chokwadi.

Sekutaura kwemutungamiriri wenyika President Mugabe, Hurumende iri kuongoroora chikonzero chakaita kuti vezvitoro vakwidze mitengo yezvinhu pamwe nekutora matanho akakodzera.

“Takanzwa kuti zvinhu zvashota,” vanodaro President Mugabe.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinova neruzivo rwekuti pane vanenge vachida kuti zvinhu zvikanganisike, vanhu vomukira Hurumende, isu tisipo. Asi vanhu vedu vakachenjera, havanyengerwi nemutowo iwoyo. Mapepa (mari) iwayo totadza kumawana kana angava mafuta edzimota ogonzi ashota?” President Mugabe vakataura mashoko aya neMuvhuro svondo rino vari panhandare yendege yeHarare International Aiport vachangosvika kubva kumusangano we72nd Ordinary Session of the United Nations General Assembly, kuNew York. Nerimwe divi, sangano rinomirira maindasitiri reConfederation of Zimbabwe Industries (CZI) rinoti hapana chikonzero chekuti veruzhinji vavhunduke zvinoita kuti vapedzisire vachidhodha zvinhu nekuti zviripo zvinokwanirana nenyika yose.

Mashoko aya anotsinhirwawo nevesangano rinomirira zvitoro zvikuru, reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR). Mukuru weCZR, VaDenford Mutashu vanoti mashoko ekuti zvinhu zvichashomeka kana kushaika munyika anongova manyepo. VaMutashu vanoti Hurumende inofanira kutora matanho akasimba ekugadzirisa dambudziko rekutengeswa kwemari pamusika wemukoto sezvo ichi chiri chimwe chezvikonzero zvikuru zvekukwira kwemitengo yezvinhu zvisina tsarukano. Zvakakosha kuti veruzhinji vasangovimba nemashoko ose avanenge vanzwa — kunyanya pamadandemutande. Vanhu vari kuhodha shuga, mafuta nemupunga asi muzvitoro zviri kungoramba zvizere. Zvinorwadza kuona veruzhinji vachipedzera mari yavo mukuhodha chikafu nezvimwe zvinhu vachishandisa mari yavanofanira kuzvisimudzira upenyu hwavo mune zvakasiyana. Vamwe vari kutokwereta mari kana kupinda muchimbadzo kuti vahodhe zvinhu. Ichi chidzidzo chikuru kune veruzhinji, kuti vasangotenda mashoko ose-ose, zvikuru epadandemutande reWhatsApp.

Usaudzwe zvekuita neWhatsApp, Facebook kana Twitter nekuti handi zvose zvine chokwadi – zvimwe zvacho manyepo. Vamwe mucharasiswa mabhajeti!

Share This:

Sponsored Links