usaid yokuta madzimai akazvitakura

27 Feb, 2015 - 13:02 0 Views
usaid yokuta madzimai akazvitakura

Kwayedza

Pregnant-Woman-TorsoUSAID irimo mundima yekuona kuti hakuna mwana anozoberekwa aine utachiona hweHIV. Madzimai anorarama neutachiona hweHIV haachatyi kuti vangabereke vana vane utachiona nekuti izvi zvakaganhurwa nekuuya kwekudzivirira kutapukira kweutachiona hweHIV kubva kuna amai kuenda kumwana inonzi pachirungu Prevention of HIV from Mother to Child Transmission (PMTCT).

USAID ichikuta vagari vemuEpworth, iri kupa rubatsiro kubvira mugore ra2001 kumadzimai akazvitakura. Epworth Clinic yozivikanwa zvikuru zvekuti vanhu vazhinji vari kubva kunzvimbo dzakapoteredza vachisiya zvipatara zviri pedyo navo nekuziva kuti vanowana rubatsiro ruzere uye vanobatwa zvine rukudzo.

Madzimai ane pamuviri uye vaine utachiona hweHIV havachafanirwi kutya nekuti vava kukwanisa kubereka vana vasina utachiona uye ivo vachiwana utano hwakanaka kufanana nekare vasati vava neutachiona hweHIV.

“Kudzivirira kutapurira utachiona kubva kuna amai kuenda kumwana kwakatanga mugore ra2001. Isu sesangano reUSAID tinopa makiti ekuongorora utachiona hweHIV, mapiritsi emaARV mumakiriniki mazhinji uye Epworth Clinic ndiyo imwe yenzvimbo dzatiri kushanda tiri.

Rimwe sangano ratinobata naro reOrganisation for Public Health Interventions and Development (OPHID) rinodzidzisa nekubatsira vashandi veutano pakiriniki iyi. Sangano iri remunyika ino riri kunzwisisana neruzhinji rwevanhu zvekuti vashoma vasati vaziva nebasa ratiri kuita munzvimbo dzatiri uye vazhinji vakaongororwa ropa kuburikidza nekukurudzirwa nesangano iri,” USAID yakazivisa padandemutande yaro.

PaEpworth Clinic panorapwa madzimai anosvika 80 akazvitakura nevanoyamwisa pazuva roga-roga. Madzimai pavanosvika kukiriniki, vanotanga vadzidziswa nekutsigiswa kuti vasatye kuongororwa ropa, zvabudapo hazvishambadzwe uye kuti kwava nehupenyu mushure mekunge munhu aonekwa aine utachiona hweHIV.

“Madzimai zvisinei mamiriro eropa ravo vanodzidziswa kuronga mhuri uye vana vanoberekwa vaine utachiona hweHIV madzimai akapinda muchirongwa yava nhau yekare. Vana vanosvika 98% kubva muzana vava kuberekwa vasina utachiona kuburikidza nechirongwa ichi muEpworth,” yakadaro USAID.

Pane madzimai ava kutoshanda asingabhadharwe anonzi pachirungu ma”volunteers” avo vanodzidzisa vamwe vakazvitakura kuti vazive pavamire zvinoreva ramangwana rakajeka.

Sangano reUSAID rakashandisa mari inosvika US$160 miriyoni gore rapera muzvirongwa zvekurima, kubatsira mabhizimisi achiri kusimukira, kudzidzisa vanhu magariro akanaka uye kutsigira utano hwakanaka muvanhu.

“Mugore ra2014, USAID yakapa Zimbabwe mari inosvika US$160 miriyoni yezvirongwa zvekurima, mabhizimisi madiki ari kusimukira uye US$130 miriyoni yakashanda kutsigira utano hwakanaka hwaamai nemwana pamwe nekuti madzimai ave nekodzero dzemuviri yavo nekuronga mhuri.

“Kwemakore akwana makumi matatu, vanhu vekuAmerica kuburikidza nesangano reUSAID vapa nyika yeZimbabwe rubatsiro runosvika US$2,6 bhiriyoni muzvirongwa zvekurima, kupa kudya munguva yenzara uye hutano hwakanaka kuvanhu,” yakadaro USAID.

Munyika ino makiriniki mazhinji ava kupa mapiritsi emaARV. Kune nzvimbo dzisati dzave nemakiriniki ayo anoita zvekuendeswa kuvanhu anonzi pachirungu “mobile clinics” nenguva yakatarwa kunopa chenjedzo, mapiritsi, makondomu nekuongororwa ropa kwevanenge vasati vaziva mamiriro avo.

Ko iwe unoziva here mamiriro ako?
Ongororwa ropa nguva isati yapera, ungazoyeuka bako waniwa zvikaoma.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links