Usain Bolt agadzirira

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Usain Bolt agadzirira

Kwayedza

SHANGWITI yemujaho wekumhanya yekuJamaica, Usain Bolt, anoti akapedza kugadzirira makwikwi ariko nguva pfupi inotevera eWolrd Championships uye acharwa semvumba kuti ahwinhe.

Bolt anoti akagadzirira zvakanyanya uye ava kutononokerwa nemakwishu aya apo anoti haasi kuzovhiringidzwa neimwe shasha, Justin Gatlin, uyo ari kusimukirawo munyaya dzezvemitambo.

Chizvarwa chekuAmerica, Gatlin akaita zvinorova kumakwikwi eDiamond League apo akapedza mujaho wemamita 100 nemaminitsi 9.77 uye wemamita 200 pamaminitsi 19.68.

Murairidzi Glen Mills anoti Bolt akawedzera kugadzirira rwendo rwuno uye anoda kudarika zvaakaita kumakwikwi akaitirwa kuKingston, Jamaica mwedzi wadarika.

Gatlin akambohwinha menduru dzegoridhe kumakwikwi emaOlympics mugore ra2004 pamwe nekuWorld Championship mugore 2005. Bolt akakwikwidza katatu gore rapera uye achapinda mumujaho wemamita 100 ayo akaitirwa kuRio musi waKubvumbi 19 zvakare achanomirira nyika yake kumakwikwi eWorld Championships kuBahamas mwedzi unotevera. — BBC Sport.

Share This:

Sponsored Links