Usaite ngura segejo

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NEMHAKA yekuti bvunzo yakagadzirirwa, yakasvika, yakazonyorwa uye vanhu ndokukanda zvinyoro pasi, ngatichichenjerai kuita ngura segejo rinozofungwa kana yemumhuruka yatinhira. Hadzisi simbi dzega dzinoita ngura kwete asi kana nepfungwa dzinoita ngura zvekuti paunozoda kudziti tiringindi kudzisevenzesa dzinokundikana.

Idzo simbi kuti dzisaite ngura dzinopota dzichibatwa batwa nekupukutwa dzichizorwawo magirizi kuti dzigozoshanda zvakanaka. Ndizvo zvinofanirwa kuitwa kupfungwa kuti dzigoramba dzichishanda zvakanaka. Dzinoda kutokonywa tokonywa nekurodzwa kuti dzipinze.

Pfungwa dzinotorodzwa nekuramboverenga uchiwedzera ruzivo. Usati kana wanyora gwaro rechinomwe wobva watoti nanga nanga nekutamba chete mabhuku worasa kwakadaro.

Chikamu chino tati tisakudzoserai kumashure nekuti zvidzidzo zvepasi (primary) matopedza nekudaro tokupai nzwisa yezvamuchanosangana nazvo kumberi mukudzidza chiShona chamandorokwati. Hazvinei kuti tati tichirasa dzidzo yakakwana nekuti toenda pamusoro kwete. Ndiko kusaka “future’s wheel’ ichikosha muzvidzidzo zvedu.

“Future’s wheel” inoti “Yesterday affects the present and the present affects the future” zvichimboreveiko? Izvi zvinodudza kuti “razuro redu kana kuti rakapfuura redu rine chekuita nera nhasi redu iro ranhasi redu ndiro rinovaka ramangwana redu.”

Ngatitaurei nemavakiro emutauro wedu wechiShona. Mazwi ose atinonyora muchiShona anowira mumipanda inokwana makumi maviri nemumwe. Inozosvika kuzvipatsanurwa zvinokwana makumi maviri nezvina kubudikidza nemupanda 1 ne2 iyo inopatsanurwa kuita 1s, 2a, ne2b. Mupanda wekutanga unonzi mupanda 1 umo munowanikwa mazwi akafanana nana munhu, mukadzi, murimi, mweni, musikana, mufambi kana mwana. Mazwi aya anenge achidudza humwe chete (singular)

Kana wava muopanda 2 wochiburitsa huhwandu hwemazwi ari mumupanda 1 (plural form). Mumupanda uyu ndimo munopinda mazwi anoti, vanhu, vakadzi varimi, vafambi, vaeni kana vasikana.

Ngaticheredzei marongerwo azvakaitwa kuti tichibva mumupanda 2 tonodzoka mumupanda 1a uyo unoburitsa mazitasingwi anoti tete, tezvara, sekuru, sahwira, sabhuku, baba, amai kana samukadzi.

Kana tobva mumupanda 1a tinopinda mumupanda 2a uri mupanda werukudzo kumazwi omumupanda 1a. Nokudaro mumupanda 2a (rukudzo) tinowana mazwi anoti vatezvara, vasekuru, vasamukadzi, vasahwira kana vasabhuku. Kunobva kwauya mupanda 2a zvakare asi iri 2a usina rukudzo sekuti vanatezvara, vanasekuru, vanasahwira, vanasabhuku.

Tinobva tazopinda mumupanda 2b unobuda izwi rokuti amai sematauriro emaZezuru. Kana zvadai tarudunura mupanda 2 uye mipatsa yacho. Kana tapedza mupanda 2b tinopinda mumupanda 3 uyo usina mupatsa. Mupanda 3 tinowana mazwi anoti muti, musasa, mupinyi, mundoza, mugwagwa, musuo. Mazwi aya anenge ari muushoma (singular).

Mupanda 4 unobva wapinda uchiisa mazwi emumupanda 3 muuzhinji (plural form) sekuti miti, misasa, mipinyi, mindoza, migwagwa kana misio. Tinorusimudzira muchikamu chinotevera.

Share This:

Sponsored Links