Usakonzerese pazororo rino

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

KUTANGA neChishanu svondo rino, Zimbabwe ichabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zororo rePaseka.

Zororo iri rakareba zvekunobatana nezuva guru rekupemberera kuzvitonga kuzere kweZimbabwe nemusi weChipiri, 18 Kubvumbi.

Izvi zvinoreva kuti zororo iri richange riine mazuva anoverengeka uye vakawanda vanotora mukana uyu kushanyira hama neshamwari apo vanenge vasingaende kumabasa.

Panguva iyi, vanhu vakawanda vanenge vachishanya kunzvimbo dzakasiyana vachishandisa dzingave motokari dzavo, makombi kana mabhazi.

Makore ose panguva yezororo seratapinda iri, nyika inorasikirwa neupenyu hwakakosha hwevanhu nekuda kwenjodzi dzemumigwagwa.

Chinorwadza ndechekuti dzimwe dzenjodzi idzi dzinokwanisa kudzivirirwa ndokunge vatyairi nevose vanoshandisa migwagwa vakatevedzera zvinodiwa.

Semuenzaniso, gore rapera vanhu vanosvika 10 vakarasikirwa neupenyu mutsaona 181 idzo dzakaitika kumativi mana enyika pazororo rePaseka.

Muna 2015, vanhu vasere vakafawo munjodzi dzemumigwagwa dzinosvika 218 munyika yose panguva imwe chete iyi.

Hongu, kune vamwe vanogona kuona huwandu hwevanhu vakashaya mutsaona ava sekunge hushoma, asi upenyu hwakakosha nekudaro kufa kana kwemunhu mumwe chete kunorwadza.

Makore ose, tsaona dzinoitika panguva iyi – sedzimwewo njodzi – dzinokonzerwa nezvakasiyana sekutyaira wakadhakwa, kumhanyisa motokari kunoitwa nevatyairi, kupindira dzimwe mota panzvimbo dzisina kukodzera nekufamba nemotokari, mabhazi kana makombi asingakodzere kuve pamugwagwa.

Nekudaro tinokurudzira vatyairi vose kuti vatevere mitemo yemumigwagwa apo vanenge vachifamba panguva yezororo iri nedzimwe nguva dzose.

Zvakakoshawo kuti vanhu varonge nzendo dzavo nguva ichiripo nekuti nyaya yekuzomhanya-mhanya nguva yapera ndiyo imwe inokonzeresa tsaona.

Sangano rinoona nezvekufamba kwakanaka mumigwagwa, reTraffic Safety Council of Zimbabwe, rinogara richipa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pekudzivirira tsaona.

Nokudaro zvakakosha kuti vatyairi vedzimotokari vaterere mazano avanopihwa nesangano iri zvose nemapurisa eZimbabwe Republic Police kuitira kuti vachengetedze upenyu.

Tinotenda zvakare kuti mapurisa achange ari mumigwagwa panguva yezororo iri achiona kuti vatyairi vari kutevedzera mitemo.

Zvakadai, ichokwadi kuti mazuva ezororo rePaseka nerekuzvitonga kuzere inguva yekufara.

Asi, munhu anofanira kuti fare-fare tindike nekuti ukaona kangoma koririsa kanenge koda kupaduka.

Kune vamwe vanopedzisira vave kurwisana kana kuita mhirizhonga nekuda kwezvinhu zvisina maturo zvinove zvisina kunaka.

Iwe ingozvipira kuti usakonzerese tsaona pazororo rino.

Tinokushuvirai zororo rePaseka nereIndependence rakanaka.

Share This:

Sponsored Links