‘Usandinokore tsoka’

02 Apr, 2015 - 21:04 0 Views
‘Usandinokore tsoka’

Kwayedza

Garnet Zvimba
NYACHIDE akazopotera kudare achida apfidzirwa nekutukirirwa navahosi pabarika avo vaanoti vanomunokora tsoka. Tendai Godho akaudza mutongi weHarare Civil Court, Trevor Nyatsanza, kuti Brenda Jojo anomushungurudza pose pavanosangana. “Mukadzi uyu ane tsika yekundituka pamwe chete nevabereki vangu. Anondituka kuti ndiri h**re, ndiri kugara nemurume wake asi ini nditoriwo mukadzi wemurume iyeye. Pose patinosangana anonditema nematombo achindinokora tsoka. Ini ndave kugara ndichityira upenyu hwangu,” akadaro Godho.

Kunokorwa tsoka kutorwa kweivhu repanzvimbo inenge yatsikwa nemunhu netsoka yake iro rinozosanganiswa nemishonga yechivanhu nechinangwa chekumukuvadza kana kumuitira zvakaipa.

Achipawo divi rake, Jojo akati aive nemvumo yekudzivirira murume wake kuti asaite chipfambi uye akapomera Godho mhosva yekuda kuparadza imba yake.

“Anonyepa kuti akaroorwa, anongovawo shamwarikadzi yemurume wangu haatomboziikanwi mumusha. Murume wangu akatosiyanawo naye nekuti akamuwanikidza aine chikomba.

“Zvino ava kupomera ini mhosva iyoyo yekuti akasiiwa nemurume. Anongoda kuputsa imba yangu nekuti iye ari kuvavarira kuroorwawo, kumba kwavo hakuna kana nemumwe chete akaroorwa,” akadaro Jojo.

Mutongi Nyatsanza akati Jojo achengetedze runyararo pakati pake naGodho nguva dzose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>