‘Usandityise, ndinodanana nemasoja’

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘Usandityise, ndinodanana nemasoja’

Kwayedza

Cassius Mushore
MUMWE mukadzi anoti ave kugara akazvivharira mumba achitya kurohwa nemuvakidzani wake uyo zvakare anomuvimbisa kuti anoda kumutorera murume wake waanovhaira naye. Aqualine Kawalika akaendesa Loice Tambi kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.“Vakuru vedare, ndava kutyira upenyu hwangu zvekuswera ndakazvivharira mumba mangu uye kana ndichida kuenda kubasa ndava kutanga ndatuma mwana kuti adongorere kuti amai ava varipo here ndozobuda,” akadaro Kawalika.

“Nyaya yacho ndeyekumvura changamire, kwavanochera mvura vanopfuura nepamba pangu. Mumwe musi vakapfuura vakaona muzukuru wangu achitamba panze vakatanga kumutuka kuti uri kuvharirei nzira, asi unoda tiite zvekubhururuka here mave kuda kutotitonga here muno muraini?”

Kawalika anoti paakabvunza Tambi nezvenyaya iyi akabva atanga kudya marasha.
“Pandakazovabvunza kuti vakatukirei muzukuru wangu, musi uyu vakaswera vachindipopotera vachiti vanoda kunditorera murume wangu wandinodada naye. ‘Tikakatora hauna zvaunotiita nekuti isu tinodanana nemasoja chaiwo saka hautityise.’

“Vanopopota vachipfuura nepahwindo pangu vachidongorera kuti ndirimo here. Ndave kutoswera ndakazvivharira hangu mumba nekutya kurohwa,” akadaro. Akati Tambi anombokanda zvakare matombo pemusoro pemba yake.

“Dai zvaibvira dare rino randichengetedza kubva kuna amai ava nekuti ndava kurarama ndichingotyira upenyu hwangu,” akadaro.
Tambi akaramba mhosva yaaipomerwa achiti muzukuru waKawalika ndiye akakonzera kuti vasawirirane. “Uyu (Kawalika) akazongobatirawo nyaya pakati asi yanga iri yangu nemuzukuru wake. Muzukuru wake ndiye aitamba munzira matinopfuura namo panova pamba pavo.

Paaitamba kudaro, akationa tichiuya akatanga kuvhara nzira ini ndakamuti uri kutivharira nzira unoda tiite zvekubhururka here? Uyu akazongoudzwa nemuzukuru wake yangovawo nyaya zvekuti ndinovimba zvimwe zvacho akanyeperwa,” akadaro Tambi.

“Kumba kwake ndomboenda asi pakuti ndakazoenda ndiine chikwata chemamwe madzimai ndezvemanyepo. Vamwe vakadzi pavakaenda kumba kwake inini ndakanga ndisipo.”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati vaviri ava vaizodzoka kudare zvakare apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchienderera mberi.

Share This:

Sponsored Links