Usavi hwezondo remombe

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Usavi hwezondo remombe Mazondo arimubhinzi

Kwayedza

MAZONDO emombe inyama inonaka zvikuru uye asina zvakawanda zvinodiwa pakuibika kunze kwekukwatiswa kwenguva refu kuti inyatsoibva.

Svondo rino Mai Munyaradzi Mlilo vekuChikombedzi, kwaChilonga, kuChiredzi vanotsanangura mabikirwo emazondo zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:

Chikari, chipunu, mvura, munyu

mazondo akaparwa nekuchekwa-chekwa zvakanaka

Mabikirwo:

Tora mazondo woasuka nemvura inopisa kuti anyatsochena, wozoagadza pamoto.

Isa mvura yakawanda mumazondo ari muchikari wokwidibira kuti zvikwate kwemaawa mashanu uchipamhidzira mvura nekupindura-pindura kuti zvisatsviririre. Kana nyama yave kubva pamabondo, mazondo anenge aibva zvakanaka nekudaro chiisa munyu wakafanira, wozobura.

Munogona kudya nesadza jena, rezviyo kana nemupunga. Usavi uhu hunochengetedza mapfupa emumuviri kuti agare akasimba, zvikuru emusana.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links