Utachiona hwehiv hwobhebha mune vechidiki

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Utachiona hwehiv  hwobhebha mune vechidiki

Kwayedza

Catherine Murombedzi
VECHIDIKI vari pakati pemakore gumi nemashanu kusvika makumi maviri nemana okuberekwa vanokurudzirwa kuti vazvibate panyaya dzekuenda pabonde sezvo vezera iri vanosvika 120 000 vanonzi vari kurarama neutachiona hweHIV.

Izvi zvakaziviswa nesangano reNational AIDS Council munguva pfupi yapfuura.

Zvakaonekwa kuti utachiona hutsva hweHIV huri kukwira muzera iri uye vari kunyanya kubatwa mumusungo ndevechisikana.

“Hutachiona hutsva hweHIV huri kukwira muzera revanhu vane makore 15 kusvika pa24. Vanasikana ndivo vari kuwanikwa vakawanda kupfuura vakomana pazera irori,” Dr Tapiwa Magure vanove chamangwiza weNAC vakataurira komiti yedare reParamende yeHIV/ADIS Thematic Committee iyo inotungamirirwa naSenator Lilian Timveous avo vanomirira dunhu reMidlands nguva pfupi yadarika.

“Vanasikana vane utachiona hweHIV vanosvika 80 000 vechikomana vari 38 000. Panhau iyi pane dambudziko rinotoda kugadziriswa nekukasika nekuti pwere dzingazare neutachiona,” vakadaro Dr Magure.

Vakaenderera mberi vachiti kusaringana kwehuwandu hwevakomana nevasikana vane utachiona kunorakidza kuti vasikana vari kupiwa utachiona hweHIV nevarume vasiri mazera avo.

“Nhasi uno ukaenda kukoreji yematicha, kuyunivhesiti kana kunodzidzirwa basa rose revanhu vapedza chikoro unowana mota dzavanasaimba dzakazara ikoko kunge kune makundano emotokari dzemhando yepamusoro,” vakadaro.

Vakaenderera mberi vachiti nekuda kwenhamo nekushaiwa, vamwe vanasikana vanowanikwa vasina simba rekuzvidzivirira pabonde.

“Tiri kuenda kunzvimbo dzose dzandareva apo vadzidzi vatsva vanouya.

‘‘Tinovadzidzisa svondo ravanosvika pachikoro kuti kuve nemukana zvinorevei. Mukana unoda kuva nesarudzo yakakodzera naizvozvo tinovaudza kuti kana achinge asarudza kuita bonde anofanira kushandisa makondomu. Vamwe ndevanotya kubata mimba vonwa mapiritsi ekudzivirira pamuviri asi aya haadziviriri utachiona hweHIV.

‘‘Makondomu anodzivirira zvose zvirwere zvepabonde uye kuti munhu asaite pamuviri,” vakadaro Dr Magure.

“Makondomu tinoasiya pachena munzvimbo dzinokodzera. Basa guru iri tiri kuri bata nesangano revechidiki rinonzi Say What avo vanonyatsokwanisa kutaura nevamwe vemazera avo.”

Dr Magure vakazivisa kuti sangano ravo riri kushanda nevadzidzi vekumayunivhesiti akasiyana munyika.

“Tiri kushanda nevadzidzi kuUniversity of Zimbabwe, Solusi University, Midlands State University neChinhoyi University of Technology uko takapihwa bvumo yekutanga zvirongwa uye kushandira pakiriniki dzepo kupa mishonga yemaARV.

Midlands State University tava nemakore tichishanda nayo, yava kukwanisa kuti munhu anoendapo achibatsirwa. Mayunivhesiti mamwe haana makiriniki angakwanise kuchengetedza mishonga yemaARV uye vanoshandapo vacho vashoma zvekuti vanoda rutsigiro kuti vatore vanoziva basa iri kare,” vakadaro Dr Magure.

Muzvikoro izvi zvedzidzo yepamusoro mune vanosvika 400 vanove vadzidzi vakadzidziswa kuve nhungamiri uye kuti awana dambudziko azive kwekuchemera.

Iwe nemi sevabereki tine basa rekutaura nevana vedu vari mumakoreji kana pwere uye vanowana edzai kupa vana zvakakwana. Tinoziva vana vanoda zvemhando yepamusoro asi ngatigarei navo pasi tichitaura ranhasi nemangwana.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links