‘Utano kuvanhu’,…Chirongwa chekusimudzira utano muZim chakaparurwa

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘Utano kuvanhu’,…Chirongwa chekusimudzira utano muZim chakaparurwa Dr Parirenyatwa (vechipiri kubva kuruboshwe) nemutevedzeri wavo, Dr Musiiwa (vechipiri kubva kurudyi) vachiparura National Health Strategy 2016-2020 paMurehwa District Hospital svondo rapera. — Mufananidzo: Muchaneta Chimuka.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE — yakabatana nesangano reWorld Health Organisation neUnicef — svondo rapera yakaparura chirongwa chine donzvo rekusimudzira nekusimbaradza nyaya dzeutano munyika, cheNational Health Strategy 2016-2020. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi paMurehwa District Hospital, kwaMurehwa, kudunhu reMashonaland East, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana — Dr David Parirenyatwa — vanoti vanhu vose vane kodzero yekuwaniswa utano, zvikuru mukurwisa zvirwere zvinonoka kupera segomarara, HIV neAIDS, BP nerurindi.

“Kana vanhu vachinge vawirwa nedambudziko rehurwere, havafaniri kurambidzwa kuti vange vachiwaniswa rubatsiro kuzvipatara zvinenge zviri pedyo navo zvisinei nekuti vanenge vasina mari. Tinoda kuti utano huende kuvanhu, tisawanikwa tichirasikirwa neupenyu zvisina tsarukano.

“Pari zvino munyika tine varapi vakadzidzira basa vanosvika 4 000 pachinzvimbo che8 000 kureva kuti pachine mukaha mukuru,” vanodaro. Gwaro reNational Health Strategy, vanodaro Dr Parirenyatwa, kana rikashandiswa nemazvo, vanhu vose vanenge vave kutarisirwa kuwaniswa utano hwemhando yepamusoro.

“Pasi pezvinangwa zvedu zveUnited Nations Sustainable Development Goals, nyika dzose dzinove nhengo dzeUnited Nations dzakanyorerana chibvumirano chekuti vanhu vose vange vawaniswa utano zvakaenzana panosvika gore ra2030.

“Utano uhwu hunosanganisira kuwaniswa kwemishonga yakakodzera nekubaiswa kwemajisiseni kwevanhu vose kuti vange vachidzivirirwa kubva kuzvirwere uye zvichiitwa nemitengo yakaderera.

“Bumbiro remutemo remuZimbabwe rinotsigira izvi muchikamu cheSection 76 apo rinotaura nezvekodzero yevanhu panyaya dzeutano,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti gwaro rezveutano, reNational Health Strategy 2009-15, harina kubudirira zvakanaka muzvinangwa zvaro nekuda kwedambudziko rekuderera kweupfumi hwenyika rakatarisana neZimbabwe.

“Kuburikidza nematambudziko aya, muna 2001 — 2012 takaumba homwe yeHealth Transition Fund nechinangwa chekuti tinge tichibatana nemasangano akazvimiririra mukuunganidza mari inosimudzira nyaya dzeutano.

‘‘Zvimwe zvezvatakabura zvinosanganisira kuderera kwehuwandu hwevanhu vaitambudzwa neHIV kubva pachikamu che29% muna 1999 kuenda pa13,7% muna 2013.

“Zvakare, huwandu hwevanhu vari kutora mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs hwakawedzera ne650 000 muna 2013 apowo ndufu dzevanhu dzaikonzerwa nechirwere chemalaria dzakaderera kubva pa3 000 pagore kuenda pa300,” vanodaro.

Zvakadai, vachitaura nevatori venhau mushure mekumema chipatara cheMurehwa District Hospital, Dr Parirenyatwa, vanoti dzimwe dzimba dzevarwere dzava nevarwere vashoma zvichikonzerwa nekubudirira kwechirongwa chekubaiswa kwemajekiseni anodzivirira zvirwere chakaitwa neHurumende yakabatana nemasangano akazvimirira mumakore adarika.

“Munogona kushamisika kuti sei muzvipatara zvizhinji musina varwere asi inhau yekuwanda kwevabereki nevana avo vave kukoshesa nyaya dzekudzivirirwa kwezvirwere. Zvakare vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV vazhinji vavo vari kutora mishonga yavo zvakanaka izvo zviri kuita kuti huwandu hwevanhu vari kupihwa mibhedha muzvipatara hunge huchiderera,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vakatora mukana wekuyambira veruzhinji pamusoro pezvirwere zvetyphoid nemalaria vachiti zvinoda kudzivirirwa nekuti zvinogona kutora upenyu hwevanhu mukati menguva pfupi.

“Chirwere chetyphoid chiriko, kwete kuMbare bedzi asi chakatekeshera nenyika yose, nokudaro zvakakosha kuti tisimbaradze matanho ekuchidzivirira, kunyanya nekudya chikafu chakabikwa chikaibva, kuita utsanana munharaunda nekugeza mawoko nemvura yakachena uye inomhanya tisati tabata kudya.

“Mvura yatinonwa ngatiisei mishonga inouraya utachiona seWater Guard uye musarambidze vanhu kufirita nemishonga inouraya umhutu kana vachinge vauya,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mumiriri weWHO muZimbabwe – Dr Stanley Midzi – vanoti chinangwa chavo ndechekuona kuti mitoro yezvirwere yaderera munyika zvinova zvinobatsira mukuderedza ndufu dzevana nemadzimai, kunyanya panguva yekusununguka.

Murongi mukuru kusangano reUnited Nations, VaBishow Parajuli, vanotiwo vabatsiri vevarwere mudzimba vane basa guru rinova rinoderedza mitoro yevarapi muzvipatara.

“Izvi zvichatipa shungu yekuti tirambe tichitsvaga rubatsiro rwezvinodiwa muzvipatara nekuti taona kuti kana vanhu vakawaniswa mishonga nenguva vanokasika kupora. Tafara nezvataona pachipatara chino, kuti varwere vazhinji vakatonaya vari kudzimba,” vanodaro.

Vamwe vaive pachiitiko ichi vanosanganisira mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Aldrin Musiiwa, mumiriri weUzumba mudare reNational Assembly, Cde Simbaneuta Mudarikwa nevakafanobata chigaro chaMambo Mangwende, VaTichafa Chibanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey