Uncategorized

Utsanana: Iwe neni tine basa!

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Utsanana: Iwe  neni tine basa!

Kwayedza

MWAKA wekunaya kwemvura wakatotanga masvondo mashoma adarika. Izvi zvinofadza zvikuru sezvo mvura iri upenyu.

Mabasa anofambirana nekunaya kwemvura sekurima akatotanga – varimi yangova heki heki muminda. Asi nguva ino yekunaya kwemvura inogona kuuyawo nezvirwere zvemanyoka izvo zvinogona kunyuka, kunyanya mumaguta nemadhorobha zvichikonzerwa nehuchapa kana kunwa mvura isina kuchengetedza. Zvirwere zvemanyoka izvi zvinosanganisira typhoid necholera. Matenda emanyoka aya anokwanisa kudzivirika zviri nyore, ndokunge veruzhinji vakakoshesa utsanana munharaunda dzavagere.

Semuenzaniso, svondo rapera pamberi chirwere chetyphoid chakanyuka kuDzivarasekwa Extension chikabata vanhu vanosvika 15 avo vakarapwa kuzvipatara nekumakiriniki ndokuita zvakanaka.

Ongororo yakaitwa navanamazvikokota veutano mukanzuru yeHarare inoratidza kuti typhoid iyi yakakonzerwa nemvura yemuchibhorani chinocherwa nevamwe vagari veko, icho chinonzi chine utachiona hunozivikanwa nekuti Ecoli. Utachiona uhu hunonzi hwakavepo apo mvura yemuchibhorani yakasanga netsvina yesuweji inobva mumapombi apo akaputika pasi.

Zvirwere zvemanyoka izvi zvinokwanisa kudzivirirwa kana makanzuru neveruzhinji vakatora matanho akakodzera.

Matanho aya anosanganisira kuona kuti mvura yekunwa yakavhenekwa pamwe nekuiswa mishonga inouraya utachiona hunokonzera ingave typhoid kana cholera mumvura yekunwa.Kune vasingakwanise kuwana mishonga yekuuraya utachiona uhu, vanogona kufashaidza mvura vasati vainwa.

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vaone kuti pavanochera mvura yekushandisa mabasa akasiyana emudzimba pakatsvinda.

Pamusoro pezvo, kutevedzera nzira dzakanaka dzeutsanana dzakadai sekugeza mawoko nesipo uye nemvura inofamba mushure mekunge munhu ashanyira chimbuzi kwakakosha zvikuru mukudzivirira zvirwere zvemanyoka. Munguva ino yeZhizha munowanikwawo michero yakawanda inosanganisira mazhanje, mango nemagwavha, nekudaro veruzhinji vanokudzirwa kuti vatange vageza michero iyi vasati vaidya.

Pane vamwe vane tsika yekutenga michero iyi kune vanotengesa mumigwagwa yakadai seyemuguta reHarare zvisiri pamutemo vobva vatoidya ipapo. Uku kuisa utano panjodzi nekuti mutengi anenge asina ruzivo rwekuti michero iyi yapfuura nemumawoko evanhu vangani kusvikira pakuzotengeswa. Munhu anofanira kukoshesawo utano hwake nekuve neutsanana.

Iyo michero nezvimwe zvinotengeswa mumigwagwa hazvisi zvekungotenga nekuti zvinogona kunge zvakaderera mutengo asi zvichizodhura apo munhu anenge orwara oda kurapwa. Nguva ino zvakare ndiyo inotengeswa chibage chakabikwa, chimwe chacho chinobikwa nenzira dzisina utsanana zvachose. Muenzaniso ndewechibage chinobikwa kurwizi rwaMukuvisi, muHarare icho chinozotengeserwa vanhu mumigwagwa chichibikwa nemvura yakasviba inenge yakasangana netsvina dzose – kusanganisira suweji.

Makanzuru anofanirawo kuona kuti marara atakurwa nenguva sezvo kusatakurwa kwawo kuchikonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka.

Zviri nyore kudzivirira zvirwere izvi pane kuzomhanya-mhanya utano hwevanhu hwave panjodzi nekuda kwehuchapa. Zhizha rino, utsanana hwakanakira munhu wose! Munhu wose ngaazvichengetedze.

Share This:

Sponsored Links