uz iri kupemberera… Yasvitsa makore 60 yavambwa… 3451 vakagashidzwa madhigirii

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
uz iri kupemberera… Yasvitsa makore 60 yavambwa… 3451 vakagashidzwa madhigirii

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
UNIVERSITY of Zimbabwe (UZ), iyo inova chikoro chikuru uye chekutanga pakupa dzidzo yepamusoro munyika muno, svondo rapera yakaparura mbemberero dzekusvitsa makore 60 kubva yavambwa. Mhemberero dzekutanga dzakabatanidzwa nekupihwa madhigirii kwevadzidzi vanosvika 3 451 nemukuru kana kuti Chancellor weUZ vari zvakare mutungamiri wenyika, President Robert Mugabe nemusi weChishanu svondo rapera.

UZ yakavambwa mugore ra1955 kureva kuti yasvitsa makore 60 gore rino uye yava nemakore 35 kubva Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere muna 1980.

Chikoro chepamusoro ichi chava nevadzidzi vanosvika 13 000 pagore kana zvichienzaniswa ne2 280 muna 1980.
Vachitaura pamhemberero dzekupedza zvidzidzo kwevadzidzi 3 451 ava, UZ Vice-Chancellor Professor Levi Nyagura vakatenda Hurumende nevose vakabatsira kuti yunivhesiti iyi ibudirire kusvika payave nhasi uno.

“Chinangwa chedu chikuru ndechekuti yunivhesiti yedu ive pakati pemayunivhesiti gumi anodzidzwa zvepamusoro muAfrica yose panosvika gore ra2017. Tiri kufamba negwara rakanaka chaizvo kuti tibudirire munyaya yedzidzo yevanhu vakuru uye tiri kutarisira kuti muna 2017 tinge tava nevanhu vakawandisa vanenge vachiita zvidzidzo zvemaPhD.

“Ndine chido chikuru kuti kubatana kwedu neHurumende pamwe chete nevemabhizimisi kunotisvitsa patiri kuda,” vakadaro Prof Nyagura.
Vakarumbidzawo zvakare vadzidzi vakapedza zvidzidzo zvavo nekushanda kwavakaita nesimba.

“Ndinotenda vadzidzisi vakafundisa vadzidzi ava kusvika pakupedza zvidzidzo zvavo uye nekutiwo yunivhesiti yedu yava nemakore akawanda ichipa zvidzidzo zvepamusoro izvo zvinowanisa vadzidzi mabasa akasiyana.

“Kupedza kwaita vadzidzi ava zvidzidzo panguva ino kwakakosha nekuti ndipo patiri kupemberera zvakare kusvitsa kweyunivhesiti yedu makore 60.

“Yunivhesiti ino yakatangwa mugore ra1955 uye tinovimba nayo mukupa pundutso kwairi kuita kunyika kuburikidza nemabasa akakosha anoitwa nevazhinji vanenge vaita zvidzidzo zvavo pano,” vakadaro Prof Nyagura.

Vakati UZ yaipemberera zvakare kubatsirwa kwairi kuitwa neHurumende kubvira pakawana nyika kuzvitonga kuzere mugore ra1980.
“Pamakore 35 apfuura aya Hurumende yabatsira zvakanyanya kuburikidza nekuvakisa dzimba dzezvidzidzo zvakaita sezvesainzi, zvekurima pamwe chete nekamuri reGreat Hall.

“Huwandu hwevana vanouya kuzopinda pano zvakare hwakakwira kubva pa2 280 mugore ra1980 kusvika pa13 000 gore ra2015 uyewo vanhukadzi vari kuuya kuzodzidza vari kuwedzerawo.
“Zvose izvi zvinoratidza kuvandudzwa kuri kuitwa dzidzo payunivhesiti pamwe chete nemunyika.”

Prof Nyagura vakatiwo UZ yakabata basa guru mukuvambwa kwemamwe mayunivhesiti munyika anosanganisira National University of Science and Technology (NUST), Zimbabwe Open University (ZOU), Midlands State University (MSU), Great Zimbabwe University (GZU) neMarondera University of Agriculture iyo yava kuzotanga kushanda.

Share This:

Sponsored Links