uz yovandudza miti yechivanhu

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
uz yovandudza  miti yechivanhu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VADZIDZI vekuchikamu chezveongororo yechikafu (Sustainable Research for Food and Nutrition Security) paUniversity of Zimbabwe (UZ) vari kusimudzira kushandiswa kwemishonga yechivanhu kuburikidza nekuita ongororo yekukosha kwakaita mimwe yemishonga iyi kuutano hwevanhu.

Muhurukuro neKwayedza vari kuHarare Agricultural Show svondo rapera, Patience Nire, uyo ari kuita Part 1:1 yeCrop and Science payunivhisiti iyi – anoti vari kuvandudza makwenzi akasiyana mukugadzira mishonga inosimudzira utano hwevanhu.

“Mimwe yemishonga yatinoshandisa inosanganisira Moringa iyo yatinogadzirisa mishonga inoita kuti muviri ukwanise kurwisa zvirwere zvakasiyana. Kubva paMoringa zvakare, tinogadzira zvinhu zvakaita sesipo, mafuta ekuzora, pefiyumu nezvimwe,” anodaro.

Anoti zvose izvi zvakakosha kuutano uye kubva muongororo yavakaita, vakaona kuti Moringa une kudya kunovaka muviri uko kune mapuroteni necalcium.

“Paongororo yatakaita muzvidzidzo zvedu, takaona Moringa iine zvinhu zvakawanda zvakakosha muraramo yedu. Inopa simba, uye inobatsira vanhu kuti vange vachideredza kana kuwedzera huremu hwemiviri yavo.

“Kana vanhu vakazora mafuta eMoringa, vanokwanisa kudzivirira kukasika kuchembera kana kuti kuunyana kweganda. NeMoringa vanhu vanowedzera runako rwavo pasina kuzvikuvadza ganda nemimwe mishonga yechizvino-zvino iri pamisika. Isu tinokoshesa kushandiswa kwemakwenzi kana kuti mishonga yechivanhu isina uturu hunokuvadza,” anodaro.

Mai Maria Goss, avo vanova murairidzi kuchikamu chezvekurima – cheHorticulture/Pomology/Agronomy Crop Science Department (Faculty of Agriculture) paUZ vanoti vari kufambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset apo vanofundisa vadzidzi kukosha kwekusevenzesa zviwanikwa mukugadzira mishonga inobatsira muutano hwevanhu.

“Tiri kuvandudza zvakare mishonga yatinogadzira ine kudya kunovaka muviri. Tinovafundisa kurima kudya kunovaka muviri uko kunofanirwa kutorwa nevarwere panguva yavanenge vari kunwa mishonga yavo,” vanodaro.

Pasitendi yeUZ kuHarare Show, vanhu vakawanda vaionekwa vari mushishi kutenga mishonga inorapa zvirwere zvakasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey