Vabereki mujeri varovera kamwana (2) sadza

0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MURUME nemukadzi vanogara kuBeatrice vakabatwa nemhosva yekubatsirana kurova pamwe nekushungurudza kamwana kane makore maviri ekuberekwa vachikapomera kuitira tsvina mubhurugwa uye kudya chikafu chaive chabikwa chichinzi ndechemanheru.

Tecla Chayenda (18) naWilmore Nzuma (25) vanobvuma mhosva yavo yekushungurudza mwana apo vakamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrate’s Court ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi 12 pamunhu.

Mwana akashungurudzwa uyu ndewaNzuma uyo waakaita nemumwe mudzimai waakarambana naye.

Mutongi wedare iri, Francis Mapfumo, akazobvisa mwedzi mina pachirango chaakatemera mumwe nemumwe paine chitsidzo chekuti havafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika. Nzuma naChayenda vakakumbira dare kuti rivaregererewo pakumbunyikidza kwavaiita mwana uyu.

Dare rakaziviswa zvakare kuti mwana uyu akatombowira mumoto panguva iyo akange ari kurohwa akatsva ruwoko rwake rwekurudyi nezvigunwe zvekutsoka.

Vaviri ava vanogara kuGwalia Farm, kuBeatrice uye vane mwana mumwe chete vose. Muchuchisi Tatenda Mukatera akaudza dare kuti pakati pemwedzi waKubvumbi 1 kusvika Chikumi 2 gore rino, Nzuma nemukadzi wake vaigara vachirova mwana uyu muviri wose vachimupomera mhosva yekuitira tsvina mubhurugwa.

Mwana uyu akakuvara zvikuru uye akatotyoka ruwoko rwekurudyi. Achiri kurapwa kuChitungwiza Central Hospital.

Constable Ratidzo Manesa ndivo vanonzi vakaona kukuvara kwakanyanya kwemwana uyu izvo zvakaita kuti vamubvunzurudze achibva adura kuti anogara achirohwa nevabereki vake. Pakumira kwaakaita mudare, Chayenda anobvuma mhosva yake achiti anorovera mwana uyu nyaya yekuitira tsvina mubhurugwa.

Mwana uyu akamboburitswa muchipatara asi Const Manesa vakakumbira vakuru vechipatara ichi pamwe neveSocial Welfare kuti vamupe mubhedha zvakare apo nyaya iyi yaitongwa.

Nzuma anobvuma mhosva yake achiti mwana uyu akamurova rimwe zuva nekuti akange adya chikafu chaifanira kuzodyiwa nemhuri yese manheru.

Share This: