‘Vabereki nevakuru vezvikoro batanai’

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
‘Vabereki nevakuru vezvikoro batanai’

Kwayedza

Daphne Machiri
VAKURU vezvikoro nemasangano anomirira vabereki, emaSchool Development Committe, vanokurudzirwa kuti vashande pamwe chete kwete kugara vachirwisana izvo zvinodzorera budiriro yedzidzo shure. Vachitaura pamabiko ekupihwa kwemibairo kuvana, vadzidzisi nezvikoro, eHarare Metropolitan Merit Awards svondo rapera, mukuru wedzidzo muHarare, VaChristopher Kateera, vakati zvikoro hazvisi nhandare yekuti vakuru vezvikoro neveSDC varwire.

“Ndapota veSDC nevakuru vezvikoro dzidzai kushanda mose zvakanaka kuti vadzidzi vabatsirike. VeSDC, basa renyu ndere kuzvipira, rekushandira nharaunda nekudaro harizi basa ramunotarisira kuzopihwa muhoro. Hatina kuvaka zvikoro kuti muwane nzvimbo yekurwira asi kuti vadzidzi vawane fundo inovapa pundutso,” vakadaro.

VaKateere vanoti bazi redzidzo harisi kufara nekusashandiswa zvakanaka kwemari nezvimwe zvikoro.
“Tinokumbirisa vakuru vezvikoro neveSDC kuti vaongorore mashandisiro avari kuita mari, kuti zviitwe nenzira dzakajeka pachitevedzwa mutemo,” vakadaro

Zvisinei, vakatenda vadzidzi nevarairidzi vemudunhu ravo nekushanda nesimba izvo zvakaona huwandu hwevakapasa pabvunzo dzegore rapera dzeGrade 7 neA-Level huchisimukira.

Vanoti vadzidzi vakapasa bvunzo dzeGrade 7 gore rapera vakawedzera kusvika pachikamu che84% kana zvichienzaniswa ne64% muna2013.
“Huwandu hwevadzidzi vakapasa O-Level gore rapera hwakakwirawo kusvika pa81% kana zvichienzaniswa ne80% muna2013. Pabvunzo dzeO-Level hapana kuve neshanduko sezvo chikamu chevadzidzi vakapasa chakaramba chiri 25% gore rapera apo pachaive muna2013.”
VaKateera vakarumbidzawo budiriro munyaya dzekuwanisa vana dzidzo padanho reECD vachiti zvikoro zvakawanda zvave kupa fundo iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey