‘Vabereki tsigira zvipo zvevana’

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
‘Vabereki tsigira zvipo zvevana’

Kwayedza

MUIMBI wechidiki ari kusimukira wemuguta reHarare anoti zvakakosha kuti vabereki vatsigire zvipo zvakasiyana zvevana vavo kwete kuzvitarisira pasi sezvo vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.Jairos Chikonya (31) wepanhamba 142 Montague Court, Chinamano muHarare – uyo achangobva kubura dambarefu rake rekutanga rinonzi Ruvengo – anoti chipo chekuimba chakagara chakadzika midzi maari kubvira achiri kuchikoro zvisinei nekuti vabereki vake vakange vasingamutsigire.

“Nziyo dzandinoimba musanganiswa weJazz neAfrican Music, iri ndiro dambarefu rangu rekutanga rinova rine nziyo shanu dzinokodza mwoyo uye dzine dzidziso,” anodaro Chikonya.

Nziyo shanu dziri padambarefu iri dzinoti Ruvengo, Ngatirove Ngoma, Ndikakutarisa, Nditungamirireyi naMusamurambe.

“Chipo changu ichi chingadai chakabuda kare ndichiri kuchikoro chaiko asi vabereki vangu ndivo vakange vasingade kuti ndiite zvekuimba nekuti vaifunga kuti ndezvechirombe. Saka muna 2013, ndipo pandakatangisa kunyora nziyo dzangu kusvika vamwe vakomana vatinogara navo kumaraini kwedu vakandikurudzira kuti ndinge ndichipinda mubhizimusi remimhanzi nekuti vaindiona ndichiimba zvangu ndiri ndega ndiri pamba,” anodaro.

Anoti mukambo kake kanonzi Ruvengo anenge achiedza kutsanangura nyaya dzegodo dzinoitika mukurarama kwevanhu.

“Muhupenyu hwatiri kurarama, ndakaona muine nyaya dzeruvengo dzakawanda dzinoitika apo vanhu vanoitirana godo panguva iyo vanoona mumwe achibudirira, pangave pamusha pake paanenge achivaka kana kumabasa chaiko. Saka ndiri kuedza kudzidzisa veruzhinji kuti ruvengo haruna chimuko asi kuti tinofanira kutokurudzirana kuti tinge tichibudirira tose,” anodaro.

Pana Ngatirove Ngoma anoti kambo kanodakadza zvikuru kari kemafaro zvekuti kana kachinge karidzwa munhu wose anosimuka achitamba.

“Muna Ndikakutarisa, ndakapa vatereri rwumbo rwerudo apo vanhu vari murudo vanenge vachitsanangura kuzadzwa kwavanoitwa nerudo sezvo vanenge vachitarisana vachipanana rumbidzo. Kuchizoti muna Nditungamirirei, ndakanangana nezvinhu zvinofanira kuitwa nevanhu vanenge vachienda kunoshava sekuti vanofanira kutanga vachema kuna Mwari kana kuvadzimu kuti vatungamirirwe kumasango kwavanenge vari kuenda nekuti kune mikana mizhinji yekuti vanogona kusangana netsekwende uye minzwa inobaya,” anodaro Chikonya.

Anoti mukambo Musamurambe, anotarisa nyaya dzekuparara kunoita dzimwe wanano dzevechidiki apo vabereki vanenge vari kupindira vasingade muroora.

Chikonya akatsikisirwa dambarefu rake naTobias Kusano (30) weNew Wave Studio uye anoti anopa kutenda kumudzimai wake, Pretty Kanda, nevamwe vemumhuri yake vakamutsigira kuti abure dambarefu iri.

Muchinda uyu anovimbisa vatsigiri vake kuti achange achibura vhidhiyo redambarefu rake munguva pfupi iri kutevera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey