Vabereki vovandudza kiriniki kuMudzi

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Vabereki  vovandudza  kiriniki kuMudzi Kanzura Boy Nyamande

Kwayedza

Kanzura Boy Nyamande

Kanzura Boy Nyamande

VAGARI vekwaMambo Goronga, kuMudzi, mudunhu reMashonaland East, vari kurumbidzwa nekuzvipira kwavo mukusimudzira nyaya dzeutano kuburikidza nekuvandudza makiriniki.Kanzura Boy Nyamande (45) vekuWard 1 Goronga vanoti vanhu vemunzvimbo yavo vanozvipira kushanda pachena mumabasa anosanganisira kuvandudza makiriniki nechinangwa chekusimudzira nzvimbo yavo.

“Tine kiriniki yakavakwa kare, yeNyahuku, iyo yaisava nedzimwe dzimba dzakakosha dzinobatsira sekamuri inobatsira madzimai akazvitakura asi iyo izvozvi yavapo nekuda kwekuzvipira kwevagari vemuno,” vanodaro.

Vanoti vabereki vanoshanda pakiriniki iyi pachena vachivaka, kukanya zvidhinha, kuchera mvura nezvimwewo izvo zvaita kuti kiriniki iyi ive pakati pedzimwe dzine zvose zvinodiwa mudunhu reMudzi.

“Kutakura pamuviri hachisi chinhu chekutamba nacho, zvinoda gadziriro izere kuti madzimai akazvitakura vasawire munjodzi. Ini sakanzura muno, ndaona kuti madzimai aya aitambura kuenda kure kunobatsirwa, takaronga nevakuru vemuno nekanzuru yedu ndokuwirirana kuti tivandudze kiriniki yeNyahuku kuti iite dzimba dzekusunungukira madzimai izvo takaita.

“Vanaamai vedu vave kungobva kudzimba pasina kutsvaga mari yekuhaya dzimotokari vanosvikotariswa nevakoti vedu vosununguka zvakanaka.”

Kanzura Nyamande vanoti kuvakwa kwemakamuri ekusunungukira aya kwaderedzawo matambudziko aive akatarisana nemadzimai aisunungukira kudzimba nekuda kwekushaya kwekupotera izvo zvinove nenjodzi kuupenyu hwavo.

“Kiriniki yedu yava nedzimba dzinokwanirana dzekuti madzimai vanogara vachimirira kusununguka. Pane vakoti vakadzidzira basa vanenge vachivatarisa nekudaro tinokurudzira madzimai ose akazvitakura kuenda kunonyoresa pamiviri pavo nenguva zvisinei kuti mavanogara munogona kunge muine vananyamukuta vakadzidzira basa,” vanodaro.

Vanotizve zvinobatsira kuti madzimai anyorese pamuviri nguva ichiripo kuitira kuti kana paine matambudziko ogadziriswa.

“Hurongwa huripo hwekuramba tichivandudza kiriniki iyi kuti ikure kudarika pairi sezvo tiine nzvimbo yakatandavara mahekita maviri kana kudarika,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey