Vadzidzisi 13000 vangangosiya basa

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

VADZIDZISI 13 000, avo vane madhigirii kana madiploma asiri ekudzidzisa, remangwana ravo harina kujeka zvichitevera chisungo cheHurumende chekusavapa mumwe mukana wekuti varambe vachifundisa ichiti havana kukodzera kuita basa iri.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, svondo rapera vakati Hurumende yakazvipira kutsiva varairidzi ava neavo vakafundira basa rehudzidzisi kuitira kusimudzira dzidzo munyika.

Vakati avo vane madhigirii asiri ekudzidzisa vakange vane mhanza kuti vawane basa muzvikoro. Prof Mavima vakati vakadai ava vachange vave kutorwa kuti vashande patemu yoga-yoga kusvikira varairidzi vakadzidzira basa vawanikwa.

Vakati vadzidzisi avo vakambosiya mabasa panguva yekuoma kweupfumi hwenyika vachinotsvaga mafuro manyoro vachange vachipihwa makondirakiti epagore kusvikira zvaonekwa kuti vakazvipira mubasa ravo.

“Avo vane madhigirii asiri ekudzidzisa havafaniri kunyunyuta nekuda kwedanho iri nekuti tinoda varairidzi vakadzidzira basa. Tinoda kutanga tapa basa avo vachangopedza zvidzidzo kuzvikoro zvinodzidzisa varairidzi pane kupa vasina kufundira kudzidzisa. Kana pachinge pane nzvimbo dzinenge dzasara ndipo patinozoona kuti tingavape here,” vakadaro Prof Mavima.

“Kune avo vane madhigirii asiri ekudzidzisa, kana vachinge vaita mhanza yekupinzwa basa, tichavatora patemu yoga-yoga. Gore rapera takatora vadzidzisi 13 000 vaive vasina madhigirii nemadiploma ekudzidzisa. Gore rino hatizi kuvatora kusvikira tatora vadzidzisi vakafundira basa.

“Takatarisana nekushomeka kwevarairidzi vescience nemaths asi tichatora vakadzidzira basa. Pari zvino handinai huwandu chaihwo hwematicha atiri kuda.”

Bulawayo Provincial Education Director VaDan Moyo vakaudza bepanhau reChronicle kuti temu ino havasi kutora avo vane madhigirii nemadiploma asiri ekudzidzisa.

Vakati vakadai ava vakange vasinganyatsokwanise kufundisa sezvinotarisirwa kunyangwe zvazvo vaine madhigirii anoenderana nezvidzidzo zvinoitwa muzvikoro.

Zvakadaro, mukuru wesangano rinomiririra varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakawira Zhou, vakakumbira Hurumende kuti idzidzise avo vane madhigirii nemadiploma asiri ekufundisa panguva yezororo rechikoro pane kuvadzinga basa. – Bulawayo Bureau.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>