Vadzidzisi munotipa manyemwe – Dinha

23 Apr, 2015 - 11:04 0 Views
Vadzidzisi munotipa  manyemwe – Dinha

Kwayedza

Daphne Machiri
VADZIDZISI vanorumbidzwa zvikuru nekuva nemoyo murefu pamwe nechido nebasa ravo svisinei nezvimhingamipinyi zvavanosangana nazvo mukushanda kwavo.Rumbidzo iyi yakaitwa svondo rapera kuShamva negurukota rinomirira purovhinzi yeMashonaland Central, Advocate Martin Dinha pakuvhurwa zviri pamutemo kwemuzinda wekuitira mabasa akasiyana ezvedzidzo, weEducation Complex.

“Ndinotenda vadzidzisi nekushingaira nemabasa enyu zvakare nekuva nemoyo murefu nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, zvisinei nematambudziko amuri kusangana nawo. Ndinoti rambai makadaro nekuva nemoyo pabasa zvinova zviri kusimudzira kupasa kwevana avo vanova vatungamiri venyika mangwana,” vakadaro Adv Dinha.

“Ndinotenda zvakare vemasangano akazvimiririra avo vakabatsira mukutengwa kwenzvimbo yekuvakira, mari nezvekuvakisa kwemuzinda uyu.”

Vakati muzinda uyu uchabatsira mune zvakasiyana zvinoenderana nedzidzo zvakaita semakwikwi evana mumitambo yakasiyana pamwe nemadhirama.

 

Share This:

Sponsored Links