Vadzidzisi veScience vakadzokera kuchikoro

27 Feb, 2015 - 14:02 0 Views
Vadzidzisi veScience vakadzokera kuchikoro DR Dokora (vechina kubva kuruboshwe) vakamira nevamwe vakuru vezvedzidzo, vakotsveri pamwe nevana vechikoro vakakwikwidza paZimbabwe School Science Fair iyo yakaitirwa pachikoro cheQueen Elizabeth muHarare nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

DR Dokora (vechina kubva kuruboshwe) vakamira nevamwe vakuru vezvedzidzo, vakotsveri pamwe nevana vechikoro vakakwikwidza paZimbabwe School Science Fair iyo yakaitirwa pachikoro cheQueen Elizabeth muHarare nguva pfupi yadarika.

DR Dokora (vechina kubva kuruboshwe) vakamira nevamwe vakuru vezvedzidzo, vakotsveri pamwe nevana vechikoro vakakwikwidza paZimbabwe School Science Fair iyo yakaitirwa pachikoro cheQueen Elizabeth muHarare nguva pfupi yadarika.

Daphne Machiri
GURUKUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende yakatanga chirongwa chekuvandudza ruzivo rwevadzidzisi veScience uye pari zvino varairidzi vanosvika 3 000 vezvidzidzo izvi vari kumayunivhesiti akasiyana. Vakataura mashoko aya svondo rapera pamakwikwi eZimbabwe School Science Fair ayo akaitirwa pachikoro cheQueen Elizabeth, muHarare.

Dr Dokora vakati zvidzidzo zveScience zvakakosha mukusimudzira upfumi hwenyika nekudaro vari kushanda pamwe chete nemayunivhesiti pasi pezvirongwa zveTeacher Capacity Programme neScience, Technology, Engneering and Mathematics (STEM) mukuvandudza ruzivo rwevadzidzisi ava.

“Iye zvino takatoendesa vadzidzisi vedu 3 000 avo vari mumayunivhesiti akasiyana, vari kuita zvidzidzo zveScience kubva kupuraimari kusvika kusekondari,” vakadaro Dr Dokora.

Zvidzidzo zveScience, vakadaro Dr Dokora, zvichange zvave kudzidziswa kubvira kupuraimari kusvika kusekondari.
“Zvidzidzo izvi zviri kutanga gore rino muzvikoro kubvira kupuraimari. STEM inosimudzira upfumi hwenyika uye tikadzidzisa vana vedu muno hakuchina zvekuti tiende kunze kwenyika tichinotora vanogadzira mishonga muzvipatara, vanogadzira marobhoti kana migwagwa. Izvi tinenge tave kuzvita toga,” vakadaro Dr Dokora.

Gore rapfuura, bazi iri rakapa midziyo yekushandisa muzvidzidzo zveScience (Science kits) kuzvikoro zvesekondari zvinosvika 2 374 uye chirongwa ichi chiri kuenderera mberi gore rino.

“Science kit ichatanga zvakare kuenda muzvikoro zvepuraimari. Zvidzidzo zveSTEM zvakakosha kuti kupuraimari zviveko nekuti zvinoita kuti vane vakure vakavhurika njere,” vakadaro Dr Dokora.

Zvakadaro, zvikoro 23 kubva kumapurovhinzi eManicaland neHarare ndizvo zvakakwikwidza padopiro reZimbabwe School Science Fair iri apo paiva nekuratidzwa kwemabasa emawoko, zvigadzirwa zvemagetsi, makombiyuta, mishonga yekurapa nezvekurima.

Share This:

Sponsored Links