Vahosi nanyachide tiba! …‘Dzosa zvipfeko zvangu zvemukati’

11 Jul, 2014 - 00:07 0 Views
Vahosi nanyachide tiba! …‘Dzosa zvipfeko zvangu zvemukati’

Kwayedza

court
NYACHIDE wekuzvambaradzwa pamwe nekutorerwa zvipfeko zvake zvemukati navahosi apo vairwira murume akazopotera kudare.
Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Ntombikazi Nleya akati Ruth Makaure (25) wepaPhase 3 Dema, Seke akarikita Miriam Muzanamombe (19) anogara kubhuku rekwaMuzorori kwaSeke mushure mekunge amutorera murume wake zvakaita kuti adzingwe pamba sembwa nemurume uyu.

Makaure akasvikodhonzera Muzanamombe panze ndokumuzvakatsa izvo zvakaita kuti atizire kwatezvara vake uko akanotaura zvose zvainge zvaitika.

Pakadzoka Muzanamombe nanavatezvara vake kumba uku, vakawana Makaure atora nhumbi dzaMuzanamombe dzemukati nhatu pamwe nemagumbeze.

Muzanamombe akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Makaure asungwe achipomerwa mhosva yekurova munhu nekuba zvinhu mumba maMakaure.

Mudare, Makaure akaramba mhosva iyi.
“Handizvizive zvaari kutaura ndakaenda pamba pangu ndichida zvinhu zvangu zvaari kushandisa, musha ndewangu ini ndakauvaka nemurume wangu asi nokuda kwake ndakadzingwa sembwa pamba apa uye ndine mwana anoda kuchengetwa ndorarama naye sei?

“Handingasiye mumwe mukadzi pwere yakadai ichinditambisa nhova nokuda kwemusha wangu kana asisandide murume uyu ngaandipe gupuro nezvinhu zvangu zvose, nyaya yapera imba yatakavaka yopwanywa zvayo kana ini ndisingandogarimo,” akadaro Makaure.
Mazanamombe akati ndiye ave mukadzi wepamusha apa saka zvekushungurudzwa ainge asingazvide.

“Ini ndini ndatova amai vemba uye murume ava wangu. Mukadzi uyu akatora nhumbi dzangu dzemukati handitozivi kuti ari kuda kudii nadzo akarambwa saka zvinei neni.

Ndini ndave kudiwa, akandirova zvimwe zvinhu zvaakaba ndozvida pamwe nemabhurukwa angu kana iri mishonga tinenge tichingoonawo kunowira tsvimbo nedohwe kana achida kuva vahosi ngaangotaura,” akadaro Muzanamombe.

Mutongi Timion Makunde akati kurova munhu nekuba hakutenderwe nokudaro Makaure akanzi afondoke pasina muripo kwemaawa140 paKunaka Clinic kwaSeke kwakare uye aifanira kudzosa zvinhu zvaainge abira Mazanamombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey