Uncategorized

‘Vaida kusvina hura hwechitunha’

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Vaida kusvina hura hwechitunha’ SAINA CHIMENYA

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
PARUFU rwemumwe murume wekuEpworth, muHarare, pakamuka chimoto mushure mekunge hama dzake dzatora chitunha nechisimba kubva kumudzimai wake, uyo anonzi aida kuti murume wake avigwe pachitevedzwa tsika yechechi yaange opinda — kusanganisira kuti chitunha chisvinwe hura pagozobikwa sadaka.

Mutumbi unonzi wakakonzera mutauro uyu ndewaTaona Makaya (43), uyo aigara panhamba R3025 kuOverspill, uye akashaika nguva pfupi yadarika mushure mekurwara.

SAINA NA TAONA (MUFI)

Zvinonzi hama dzemushakabvu dzaida kuti mushakabvu avigwe pachitevedzwa zvinoitwa muchechi yaaimbopinda kare, yeRoman Catholic, asi mudzimai wake aida kuti kutevedzwe chitendero chechiChawa, uko ange onamata kusvika paazoshaika.

Mudzimai wemushakabvu, Saina Chimenya (38), anoti mushure mekunge murume wake ashaika, pakazomuka kusawirirana pakati pake nehama dzemurume wake avo vaanoti vakazobvuta mutumbi ndokuenda nawo kumusha kwavo uko vakanouviga iye nevana vake  vasipo.

“Baba vakarwara neTB tikamboedza kuvarapisa apo hama dzavo dzaisauya kuzovaona kana kubatsira mukuvarapisa. Vachiri vapenyu, havaienda kumusha uyewo vakataura kuti vaida kuvigwa kuno kuHarare.

“Vazofa kudaro, takaendesa mutumbi wavo kumochari ndokuzounzwa pano pamba kwenguva diki nehama dzavo vachibva vatakura chitunha kuenda nacho kumusha ini nevana nehama dzangu tikasara takangoyeva,” anodaro mudzimai uyu.

Mai Chimenya vanoti havazive kuti chitunha chemurume wavo chakanovigwa kupi.

“Chishamiso chaicho, nekuti ini ndini ndaigara ndichipepa murume wangu pakurwara kwake. Vana vedu, vabereki vangu nevechechi yaange opinda — yeIslamic — tose takasiiwa.

“Mhuri yekwaMakaya yakatora chitunha chemurume wangu ndokunochiviga voga.”

Mutumbi uyu unonzi wakaendwa nawo pakati pehusiku, uye vanongonzwa kuti wakanovigwa kumusha kuBikita.

Mai Chimenya vanoti amai vemufi, Mai Bibian Deke (70), vaivapo pakashaika mwana wavo. Vanonzi ndivo vakazivisa vehukama vanosanganisira babamudiki vemufi, VaPias Makaya, nemunin’ina wemushakabvu Nyasha Makaya pamwe chete naMartin Makaya nehanzvadzi yake Rudo Makaya — nezverufu.

“Amai vakatanga kuronga izvi vasina kumbotaura neni apo vehukama vakazoungana. Ndaivanzwa vachiti ndini ndauraya murume wangu vachitizve ini ndinonwa mapiritsi echirwere muchivande,” vanodaro Mai Chimenya. Vanotizve pakuzonotora mutumbi wemurume wavo, hama dzake dzakaenda dzoga apo vakasvikopinza mutumbi uyu mumba kuEpworth, ukangogara nguva isingadarike maminetsi gumi.

“Vakangoronga mota dzavo dzaidarika 18 vachipanana mekupinda. Ini nehanzvadzi dzangu nevana nemasahwira angu

Share This:

Sponsored Links