Vaimbi endai kuchikoro: Chirandu

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Vaimbi endai kuchikoro: Chirandu

Kwayedza

MUIMBI weAfro-jazz neAfro-fusion, Tongai ‘Chirandu’ Tarubona (ari pamufananidzo pamusoro), okurudzira vamwe vake vemisambo yakasiyana kuti vakoshese dzidzo vaendewo kuchikoro sezvo zvichizovabatsira mune remangwana.Chirandu, uyo anotsigirwa nechikwata cheThe Black Identity Band, nguva pfupi yadarika akapedza zvidzidzo zvake zveMasters of Science in Economics Degree neUniversity of Zimbabwe.

Anoti zvakakosha kuti vaimbi vaende kuchikoro senzira yekuvandudza hupenyu hwavo sezvo zvichivabatsira mukutanga mabhizimisi kana kuzotsvaga basa mune remangwana panguva iyo zvemagitare zvinenge zvisisina pundutso.

Chirandu anoti havasi vose vaimbi vari kuwana raramo kubva kumagitare sezvo dzimwe dzenguva mashoo achimbonetsa kuwana.

“Magitare ndiwo hupenyu hwedu vazhinji sevaimbi asi dzimwe dzenguva mashoo anombonetsa kuwana zvekuti pundutso chaiyo hatimboiwane kubva kwaari.

“Saka tikaenda kuchikoro kunofunda zvinotibatsira kuwana zvimwe zvekuita muhupenyu hwedu, zvikuru mune remangwana,” anodaro Chirandu.

Anoenderera mberi achiti, “Dzidzo ndiwo musimboti wehupenyu hwedu nekuti kana tine magwaro edu ekudzidza zvinotibatsira kuwana mamwe mabasa kana kutangisawo mabhizimisi eduwo apo mashoo anenge achinetsa kuwana.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey