‘Vaimbi ngatibatanei’

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Vaimbi ngatibatanei’

Kwayedza

SHASHA yemusambo wechitendero, Reverend  Togarepi Chivaviro, anoti zvakosha kuti vaimbi vabatane, zvikuru mukusimudzira avo vanenge vachiri kutanga. Anoti ari kuita mashoo nevaimbi vari kusimukira kuti vakwanise kubuditsa zvipo zvavo.“Mune simba guru mukubatana. Vari kusimukira vanodzidza zvakawanda mukubatsirana nevakatanga zvekuimba kare uye vatsigiri vanowana riri saruraude kumashoo atinenge tichiita takabatana,” anodaro.

Rev Chivaviro akanetsa nekambo kanonzi Ebenezer ako akaimba akabatana nevaimbi vane mukurumbira vanosanganisira Mechanic Manyeruke, Charles Charamba, Noel Zembe naKudzi Nyakudya.

Parizvino Rev Chivaviro anoti akatarisana nekuita mashoo maviri muna Nyamavhuvhu kuGokwe nekuKadoma.

“Nekuda kwedonzvo redu rekuparidza shoko, hazvitiremeri zvakanyanya kuitira mashoo kunze kweHarare. Mashoo atiri kuita aya ndiri kubatana nevaimbi vachiri kusimukira vakaita sanaMr Favour (Anywhere Mukani), Godfrey Mutami, Danny Mhere naSandra Chirenje. Asi dambudziko rava kunyanya kunetsa ndere kuti nziyo dzedu dziri kutengeswa pamusika wemukoto izvo zviri kutishaisa chouviri.

“Muna Gumiguru, tiri kutanga Ebenezer Talent Show apo tichange tichishanyira zvikoro zvekumaruwa nanaBaba Manyeruke tichitsvaga  vane zvipo zvekuimba,” anodaro.

Muimbi uyu anoti ari kuronga mhemberero dzemubairo waakawana wemuAfrica weBest Gospel Collaboration wekambo Ebenezer idzo dzichaitwa muna Gunyana muHarare.

 

Share This:

Sponsored Links