‘Vaimbi siyanai nembanje, bronco’

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
‘Vaimbi siyanai nembanje, bronco’

Kwayedza

MUIMBI weZim gospel dancehall, Fradereck ‘Vito’ Chidyausiku, uyo vazhinji vanoziva saKiller Bees anoti vaimbi vanofanirwa kusiyana netsika yekutora zvinodhaka zvakaita sembanje nebronco izvo zvinozokonzeresa mhirizhonga kumashoo avo.

Killer Bees anoti mhirizhonga yakaitika nguva yadarika kuCity Sports Centre pashoo yeSting apo Seh Calaz naSoul Jah Luv vanonzi vakarwa pasiteji inonyadzisa zvikuru. “Sevaimbi ibasa redu kuimba mhanzi inodzidzisa ine rudo uye tinofanirwa kuziva kuti kubika mhanzi hakusi kuita makwikwi.

“Vamwe vaimbi vemazuva ano havachazvizive izvi vave tsvaga hukuru uye vazhinji vacho vave kutora zvinodhaka izvo zviri kuvatuma kuita zvisina maturo.

“Vapfana vangu ava ngavadzikame, ndinovakurudzira kuimba mhanzi inovaka chete kwete zvemhirizhonga. Zvavakaita kuCity Sports Centre ngavapfidze kuti hazvidzokorodzwe,” akadaro Killer Bees.

Killer Bees mumwe wevaimbi vakatangisa musambo weZim gospel dancehall uye akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi ‘Utsvene hwaMwari/Righteousness’ nguva yadarika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey