‘Vaimbi vandudzai mabasa enyu’

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
‘Vaimbi vandudzai mabasa enyu’

Kwayedza

SANGANO reNational Arts Council of Zimbabwe rinoti zvakakosha kuti vaimbi vavandudze mabasa avo nekuita mamwe mabhindauko anovapa raramo zvichitevera kutekeshera kuri kuita nyaya yekutengeswa kwemimhanzi yavo zvisiri pamutemo pamusika wemukoto.VaElvis Mari vanove mukuru wesangano iri vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika muguta reHarare vari muenzi mukuru apo Reverend Togarepi Chivaviro nemudzimai wavo, Mai Juliet Chivaviro vakaparura DVD redambarefu ravo idzva rinonzi Mhepo Inoperekedza pamwe chete nemabhuku maviri avakanyora.

Bhuku raRev Chavaviro ravakanyora rinonzi Interpreting Dreams kuchitiwo raMai Chivaviro rinonzi Unlimited Grace

VaMari vanoti vaimbi vanofanira kuita mamwe mabhindauko kunze kwekuimba chete zvakaita sekunyora mabhuku nekugadzira zvivezwa.

“Mari yemuimbi iri panziyo dzaanenge abura kuburikidza nekudzitengesa kwaanoita dzava pamaCD naizvozvo veruzhinji vanofanira kukoshesa izvi kunyanya vanoita zvekutengesa nekuregedza kutengesa nziyo idzi zvisiri pamutemo.

“Muimbi paanopedza kugadzira dambarefu rake anenge achitarisira kuwana pakuru, kunyanya achitarisa huwandu hwevanhu vari munyika yose kana hwevatsigiri vake. Asi izvi hazvizobudi seizvozvo nekuda kwevanhu vari kuba zvavasina kugadzira vepairesi. Chishuviro chedu sesangano kuti dai pakaita mitemo inosunga vanhu vepairesi zvingabatsira vaimbi nekuti ndipo pane raramo,” vanodaro VaMari.

Zvakadaro, vanoti vaimbi vanofanira kutsvaga mamwe mabhindauko ekuita uye nekutora mukana wekuti vanozivikanwa neveruzhinji zvinoita kuti zvive nyore kuti vawane rutsigiro rwezvavanenge vachiita.

“Sangano redu haringomiriri vaimbi chete asi kuti chero vanoita zvekunyora nezvivezwa. Nekuda kwedambudziko repairesi ranetsa iri, vaimbi vanofanira kuita zvimwe zvinhu zvinounza mari muhomwe dzavo.

“Ndinoda kurumbidza baba namai Chivaviro nekuparura DVD ravo pamwe chete nemabhuku avakanyora aya sezvo zvichiratidza kukura kwavari kuita pabasa.

“Uyu mucherechedzo mukuru wekuti muimbi haangomiriri kuimba chete asi kuti ane zvimwewo zvaanogona kuita. Vamwe vaimbi ngavadzidze kubva apa nekunyorawo zvavo zvinyorwa pamwe chete nekuita zvezvivezwa nezvimwewo zvigadzirwa,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Rev Chivaviro vanoti vane tarisiro yekuramba vachinyora mamwe mabhuku.

“DVD redu idzva iri takapedza mwedzi mina tichirigadzira uye chishuviro chedu kuti richatambirwa neveruzhinji zvakanaka. Ndakaonawo zvakakodzera kuti ndirambe ndichibatanidza kunyora mabhuku pamwe chete nekuimba sezvo zvose iri nzira yekupa vanhu ruzivo nekuvatandadza. Bhuku rangu iri rava rechina uye ndiri kutarisira kunyora mamwe mabhuku akawanda. Bhuku iri rinopa tsanangudzo dzehope dzinorotwa nevazhinji saka ndakarinyora nemutowo wekuti chero munhu aine hope dzaarota anogona kurivhura achiona tsanangudzo dzehope idzodzo,” vanodaro Rev Chivaviro.

Mashoko avo akatsinhirwa naMai Chivaviro vachiti vane mufaro mukuru zvichitevera kubudirira kwavakaita mukunyora bhuku ravo rekutanga, Unlimited Grace.

“Bhuku iri riri pamusoro penyasha dzakawandisa dzatakaimba pakambo kedu Ebenezer. Chishuviro changu kuti veruzhinji vachabatsirikana nebhuku iri uye kuti ndichanyora mamwe mabhuku ane hudzamhu nedzidziso kune veruzhinji,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>