Uncategorized

Vakabatwa vaine nyoka, bere negudo

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Vakabatwa vaine nyoka, bere negudo

Kwayedza

gudo


MAZINYOKA maviri, chiwoko chebveni, musoro wechipuka chinenge gudo nezvikwambo zvinodarika 20 zvakabatwa asi bere negudo — zvipenyu — ndokutiza apo n’anga dzakabva kuZinatha dzakanochenura misha kuZhombe, kuMidlands, uko kune chembere iri kubuda pachena


kuti yakatyorwa gumbo apo zvikwata zvevaroyi zvairwira nyama yemwana.

Vanhu vainge vakaungana mubhuku raMakota, kwaMambo Gwesela, vakaonerera firimu remahara apo bere rinonzi rakarova bara richibuda muimwe imba mushure mekunge horomba yegudo yambotizawo ichibva mudura remumwe mukadzi.

Basa rekuchenura musha unonzi uzere nezvitopota zvevaroyi uyu riri kufambira mberi sezvo n’anga ina nemuporotita mumwe chete veZinatha vachiri munzvimbo iyi.

nyoka-3

Zvimwe zvezvinhu izvi zvakabatwa Kwayedza, bepanhau rinopa nyaya sezvazviri, raivepo. Sezvinonzi mashura ebere negudo izvo zvakabuda mudzimba zvitete, vagari veuku — avo vainge vaungana kuona zviri kuitwa nechikwata chen’anga nemuporofita ichi — vakasara vasina nechekutaura apo mudzimba dzevamwe vanhu makawanikwa muine misoro nezviwoko zvemakudo, zvikwambo — zvimwe zvacho zvaifema uye zvakasungirirwa mari nemishonga — nenyoka mbiri, zishato nemhungu.

Izvi zvakaitika nemusi weChina svondo rapera apo nyanzvi dzeZinatha dzakaenda kunzvimbo iyi zvichitevera kubuda kwakaita nyaya yekutanga muKwayedza ichiti varoyi vakarwira nyama yemwana, imwe chembere ikatyorwa gumbo. Mbuya Diana Chibhago Manjengwa (87), avo vanoti vakatyorwa gumbo nechimwe chikwata chevaroyi apo vairwira nyama yemwana, ndivo vakatanga kubatsirwa nenhengo dzeZinatha sechikumbiro chavo.

Nyaya iyi yakatopinda mudare rasabhuku neraMambo Gwesela apo chembere iyi yakadoma vamwe vanhu vashanu vainoti inoroya navo ichiti — pamwe chete — chikwata chavo chadya nyama dzevanhu vanodarika 20. Vamwe vavanoti vanoroya navo vari kuvadura nevazita. Mbuya Manjengwa vanogara nemwanasikana wavo, Kurai Manjengwa, uyo wavanoti ndiye ange ave pachijana chekuti vamuroye vagomudya nechikwata chavo, izvo zvakaita kuti arware mushure mekunge ivo mbune vamuroya.

Izvi, vanodaro Mbuya Manjengwa, ndizvo zvakazokonzera kuti vareurure huroyi hwavo zvikaita kuti nyaya iyi isvike kwasabhuku nekwamambo vachiti havachada zvekupedza vana vavo nekuroya sezvo vakatouraya vamwe 4 kare. Vanoti vave kuda kubatsirwa kuti shave rekuroya iri ribve pavari.

Mushure mekubuda nyaya yekutanga muKwayedza, nhengo dzeZinatha dzakazobva kuHarare ndokunodzika musasa musango riri pedyo nemusha waSabhuku Makota. Apa vanhu vakaungana vachida kuona kubatsirwa kwaizoitwa Mbuya Manjengwa nevamwe vemuchikwata chavo. Kwayedza yakasvikowana vanhu vaidarika 200 vakaungana apo vaida kubatsirwa nekuona mashandiro echikwata chakabva kuZinatha ichi.

Chikwata ichi chaive nenhengo dzinoti muporofita Mai Sekai Magorimbo (49), Mbuya Cluster Magorimbo (55), Sekuru Ocean Matiyashe Sithole (51), Mbuya Stella Mutezo (32) naSekuru Katerere kana kuti VaTichakunda Bote (43). Basa iri rakatanga apo mumiriri waMambo Gwesela, VaPetros Mancitshana, nasabhuku wenzvimbo iyi vakange vapa machiremba aya mvumo.

kwambo
Mbuya Manjengwa ndivo vakatanga kushandirwa apo vakaita zvekutakurwa ndokuendeswa pamberi paMai Magorimbo vachireurura mabasa avo. Vachibvunzwa naMai Magorimbo, vakadura kuti muroyi uye kuti havachada zvekuroya sezvo vachiti vapedza kuuraya vana vavo.

“Handichada kuramba ndichiroya nekuti vamwe vangu vave kuda kuti ndiuraye mwana wangu anondichengeta. Ichokwadi, tinoshandisa rusero kubhururuka kunosvika kwatinoda.

“Nyama yevanhu tinodya asi vakuru vangu ndivo vanotanga vavhura makuva, votitorera nyama.

“Nyoka nezvidhoma zvatinoshandisa zviriko kuvakuru vangu, ini ndinongova nemushonga uyo ndakazoshaya muhuswa pamba,” vakadaro Mbuya Manjengwa pajekerere revanhu.

Chembere iyi inoti yakapa mumwe wevana vayo huroyi nekumutemera nyora uyewo nekuitisa vamwe vazukuru mazungairwa. Mbuya Manjengwa vanoenderera mberi nekureurura: “Ndakauraya vana vangu vana, saka handichada. Veboka rangu havasi kuda kuti ndibude, vari kuti ndikabuda vanondiuraya.

“Ndaiva nekamushonga ako ndakapfekera muhuswa kumba nemushonga waigara mubhodhoro mumafuta andaizora kana tave kunoroya. Asi handichaziva kwazviri.”
Vanoendera mberi: “Huroyi hwangu ndehwedzinza, ndakapa kumwana wangu uyu (vachimunongedzera nezita) kuti azosara achiroya kana ini ndafa. Ndakamutemera nyora.

“Zvidhoma tinazvo, zviviri neshato.”

Mwanasikana wekupihwa huroyi uyu, uyo ane vana mazungairwa, akazonzi anofanira kubatsirwa. Mukati mevazukuru vavo munonzi mune mumwe asingaroore uyo anonzi vanomushandisa mukuroya. Mbuya Manjengwa vakazobva pamuporofita uyu ndokuendeswa paive naSekuru Sithole vaine vamwe vemhuri, vanosanganisira vanasikana vavo.

Vakabatiswa tsvimbo yaiva muhari inonzi “Sipenju” nebanga rebakatwa rinonzi itsvimbo yasekuru, iro Sekuru Katerere vakambotanga varigarira nekune nzonzoda inobaya senzira yekutanga basa. Sekuru Sithole vakazoshandisa tsvimbo yavo ine girazi yavanoti inobata varoyi pakuongorora chembere iyi ndokuti inoroya.

Mbuya Manjengwa vakazodirwa mvura kumeso nekuputiswa fodya yebute yaiva mundiro yemuti. Vamwe vaive vanongedzwa naMbuya Manjengwa vakazoitwawo zvimwe chete kunyangwe zvazvo vairamba zvavari kupomerwa. Vamwewo vanhu vaiva nematambudziko akasiyana vakazoshandirwa nechikwata ichi.

Pava pashure, mhomho yevanhu nemachiremba aya vakazoenda kumba kwaMbuya Manjengwa uko kwakanobatwa chikwambo chaive chakamonerwa nemari nemanhenga ezizi nemimwe mishonga uye chaifema. Chikwambo ichi chakatorwa mune imwe yedzimba nhatu dziri pamusha pechembere iyi idzo dzave kuda kudhirika sezvo mbuya ava vave kugara nemwana wayo kuZhombe Growth Point.

Sekuru Sithole, avo vakabata chikwambo ichi, vanoti chaive chizere nemweya yevanhu vakafa, mapfupa evashakabvu nemishonga yefukatidzo.
Chikwambo ichi chaive chakasungirwa mari yemadhora emuZimbabwe akare nemadhoiri uye chinonzi chinotorera vanhu mari dzavo nekushandiswa naMbuya Manjengwa kushereketa nevanhurume ivo vasingazive.

“Chikwambo ichi ndicho chaishandiswa nambuya ava mukuroya, kubvira kuvatakura murusero, kushinha nevarume vavanoda. Hamuna wavasina kushereketa naye muno, kutora mari dzevanhu, kunovhurisa kumakuva vachitora nyama,” vanodaro Sekuru Sithole
.
Chinhu ichi chainhuwa zvikuru uye Mbuya Manjengwa vakabvunzwa nezvacho vakabvuma kuti vanochishandisa.

“Ichokwadi, idumwa rangu handirambe. Handichazvida, ngaripiswe ndichenurwe. Ndinoda kuti vana vangu vagare zvakanaka,” vakadaro.
Chikwambo ichi chakazopiswa musha wose ukaita gutukutu kunhuhwa nemweya wacho apo vanhu vakayambirwa kuti vasasvike pedyo nepachaipiswa zvichinzi vaizoendwa nehunye.

Pamusha apa pakazosiya paroverwa hoko yekuchenura nekuchenesa Mbuya Manjengwa. Izvi zvadarika, veruzhinji vakazotanga kudya marasha vachida kuti kudzimwe dzimba kuendwe kuitira kuti bhuku rose richenurwe. Panguva iyi ndipo pakazobva Kwayedza yodzoka kuHarare sezvo zuva rakange rovira.

Asi pamusha pemumwewo mukadzi anonzi nechembere iyi inhengo yechikwata chavo chevaroyi, panonzi pakazowanikwawo horomba yegudo mudura, iro rinonzi rakazorova bara nemukati mevanhu vainge vakaungana rikatadza kubatwa. Sekuru Katerere vanotsinhira kuti kumba kwemumwe anonzi ari muchikwata chimwe chete naMbuya Manjengwa kwakawanikwa horomba yegudo riri mudura.

“Gudo iri rakazotiza asi kwakazobatwa mimwe mishonga pamba pevamwe mbuya,” Sekuru Katerere vanodaro.

Sekuru Sithole vanoti pakuchenesa misha iyi, vakatungwa neimwe yenyanga dzavairwisana nadzo vakatombopunzika pasi zvekupotsa vafenda asi vakazobatsirwa nemamwe machiremba aivepo.

“Musha uyu (bhuku rekwaMakota) wakaoma. Kubva ndichitanga basa rekurapa pachivanhu, handina kumbobvira ndakaona zvakadaro, dzimba dzose dzatakapinda takatowana chekubata chine zvekuita nemabasa ekuroya,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takabata zvikwambo zvinodarika makumi maviri mumusha wose, nyanga shanu, mhuka yaiita sebere ikapoya muhozi ikatiza nemukati mevanhu.

“Madumwa anokwana gumi, nyoka mbiri kusanganisa shato yaiva yakareba mamita matatu nemhungu. Zvose zvaishandiswa nevaroyi takazvibata,” vanodaro Sekuru Sithole.

 

Share This:

Sponsored Links