Uncategorized

Vakadya gudo remudzimu

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Vakadya gudo remudzimu

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
GUDO rinonzi ndere mudzimu wedunhu rekwaSeke — iro raizivikanwa nezita rekuti Seke Mutema — rakauraiwa nevamwe vagari veko, nyama yaro ikadyiwa nguva pfupi yadarika.

Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Seke, VaStanley Mupunduro Chimanikire, uye vanhu vakauraya gudo iri vakaripiswa mbudzi pamumwe nemumwe wavo.

Mambo Seke vanoti gudo iri rakauraiwa nevechidiki vaviri, avo vakazorivhiya ndokupedza nhomba yavo yenyama nekuridya nevamwe vavo vanosvika 11.

“Vanhu vakaponda gudo iri vaviri chete, vamwewo vazowanda takavabata nemhosva yekudya nyama yegudo iri. Ivava takavatora kuti vakadziya moto wembavha, ndokuvaripisawo. Vanhu ava vakamhura nekukanganisa tsika dzedu dzemuno maSeke zvose nedzenyika nekuti mutemo haubvumire kuuraiwa kwemhuka dzesango,” vanodaro mambo ava.

Vanhu vakatongwa vakaripiswa mbudzi pamumwe nemumwe wavo vanosanganisira Lloyd Bvakacha, Linot Maunganidze, Tafadzwa Mupfuti, Tatenda Borerwi, Blessmore Bhibhi, Munashe Huni, Patrick Mutamira, Lucky Dheka, Emmanuel Ruwizhi, Norest Huni, Ronald Magutuza, Titus Dzapata naInnocent Mundozo.

Vose vakomana ava vanonzi havana kuramba mhosva pavakamiswa mudare ramambo.

MAMBO SEKE

Mambo Seke vanoti gudo iri ragara richizivikanwa nekufamba kana kuti kuonekwa mumwedzi yekupera kwegore roga-roga apo miti inenge yava nepfumvudza.

Rinonzi raiti rikaonekwa, madzimai anofanirwa kupururudza vachityora muzura senzira yekuremekedza midzimu yedunhu.

“Pavakaona gudo iri, vakomana ava vakaritandanisa nembwa ndokuriuraya vakadya nyama yacho. Kare muno madzitateguru edu vaiti chibage hachaitanga kudyiwa kudzimara gudo iri ratanga iro kutemha muguri wekutanga wechibage, isu veruzhinji tozotevera. Uyu wainzi murumiko, zvoreva kuti zvirimwa zvave kudyiwa neveruzhinji,” vanodaro.

Mambo vanoti nyaya yekuuraiwa kwegudo iyi vakazoidarikidza kumapurisa.

Mambo ava vanoshorawo vanhu vanorasa hunhu vachida kutevedza tsika dzemamwe marudzi.

“Hatidi vanhu vanotevedza tsika dzevamwe vachisiya dzavo, tinotevedza tsika dzedu muno dzevatema dzekushanda nemasvikiro.”

Munyori mukuru mudare raMambo Seke, VaDaglous Chimanikire, vanoti mudunhu mavo hamuna mamwe makudo kunze kwerakauraiwa iri.

“Hakuna makudo kuno, asi tine gudo redu remudzimu rinonzi Seke Mutema iro rakauraiwa nevanhu ava,” vanodaro VaChimanikire. Vanoenderera mberi: “Vanhu ava, vose vanova vechidiki, havana kumbotorera dare nguva vakabvuma kuti vakauraya gudo iri vakarivhuna ndokugovana nyama yacho iyo vakabika vakadya.

“Tingadai takati varipe mombe pamunhu asi takazoona kuti vakaomerwa, vamwe vacho kudzimba kwavo hakuna kana nemombe dzacho. Izvozvi kune vamwe vakabvisa mbudzi dzemiripo asi vamwe vachiri kutsvaga.”

KENNETH CHIMANIKIRE

VaKenneth Chimanikire, avo vanova mumwe wemakurukota aMambo Seke, vanotiwo vechidiki ava vakakanganisa zvikuru chivanhu chedunhu ravo nekuuraya gudo iri.

“Gudo iri ndiro Seke Mutema uye nderemudzimu, saka muchinzwa mutupo wedu vanaVhuramayi tichinzi Seke Mutema. Zvinobva pagudo irori iro raifamba mukupera kwegore mvura yave kuzoda kunaya. Harife zvachose nekuti tinoziva kuti kunomuka rimwe sezvo uri mudzimu wedu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links