Uncategorized

vakadzi vofuma vari musvo

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
vakadzi vofuma vari musvo

Kwayedza

. . . asi vamborara vakapfeka

Kingstone Mapupu —
VAKADZI vakuru nevasikana vanodarika 200 vekwaNhehweyembwa, kwaMambo Mangwende kwaMurehwa, vanonzi vakafuma vakabviswa zvipfeko zvavo zvemukati izvo vainge vamborara vakapfeka izvo zvakazowanikwa zvakaunganidzwa mune rimwe gomo reko.

Mashura aya anonzi akaitika mubhuku raBere nguva ichangodarika uye zvipfeko zvemukati izvi zvinonzi zvakawanikwa zvakaunganidzwa mugomo reMazimi, iro riri munzvimbo iyi.

Munin’ina wasabhuku, VaPaddington Gotora (40), vanoti chiitiko ichi chasiya musha wavo uzere nekutya kukuru.

“Ichokwadi, madzimai edu nevanasikana vanodarika mazana maviri vakafuma vasina zvipfeko zvavo zvemukati izvo vainge vamborara vakapfeka. Mushure memazuva, mabhurugwa aya akazowanikwa mugomo ratinofudzira mombe nekutsvaga huni reMazimi.

“Nyaya iyi yakatishamisa. Zvinoratidza kuti mumusha medu kana mimwe misha iri pedyo mune vanhu vanoshereketa nemishonga,” vanodaro VaPaddington Gotora.

Zvipfeko izvi pazvakazowanikwa, vanodaro, zvakazivikanwa nevaridzi vazvo asi vakatya kuzvitora sezvo vaine fungidziro huru yekuti zvinogona kunge zvakashinhirirwa nemishonga.

“Mabhurugwa aya aiva emasaizi akasiyana, kuti emadzimai makobvu nevatete uye aine ruvara rwakasiyana — matema, eyellow, machena, matsvuku nepink. Aiva akaunganidzwa mugomo iri uye akazoendeswa kumba kwasabhuku,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Nemadzimai eduwo vakaashaya. Iyi inyaya inonyadzisa mukoma (kureva mutori wenhau uno) yamunoda kutora kunoburitsa kuti madzimai edu akashaya mapant here vakomana? Siyanai nayo, tsvagai dzimwe nyaya.”

VaPaddington Gotora vanoti nyaya iyi yakabvira kare apo madzimai nevanasikana vaingoshaya zvipfeko zvavo zvemukati kusvikira vakazofuma rimwe zuva musha wose vari musvo.

Zvinonzi zvipfeko zvemukati zvechidzimai izvi zvakatanga kuonekwa nevarume vaitsvaga miti yekuvezesa mipinyi mugomo iri avo vakazosvitsa nyaya iyi kwasabhuku.

“Madzimai chete ndiwo akashaya zvipfeko zvavo kwete varume. Vamwewo vakadzi vanoti vakafuma vaine zviratidzo zvekunge vainge vasangana nevarume kureva kuti muno mune vane mishonga yekushinha nemadzimai nevasikana vasingazive,” vanodaro VaPaddington Gotora.

Vanoti vari kutarisira kuti dunhu ravo richenurwe nemaporofita kana nen’anga zvichitevera mashura aya.

“Musha wedu une varume vane zvipari sezvo vazhinji vedu vachinamata chechi yeJohane Marange, iyo inotendera munhurume kuve nemadzimai akawanda.”

Zvisinei, vanoti nyaya iyi iri kunetsa kugadzirisa sezvo paine kudhonzerana pakati pevanonamata chipositori nevanoita zvechivanhu – kuti kwoshevedzwa maporofita here kana kuti n’anga.

Vachitsanangurawo, Mai Tendai Munemo (36), avo vanova mudzimai waVaClifford Bere, vanoti ivo mumwe wevakawanda vakafuma vakabviswa zvipfeko zvavo zvemukati izvo vainge varara vakapfeka.

“Ichokwadi, mabhurugwa ataive takapfeka takafuma akakururwa nezvinhu zvatisina kuona kana kuziva. Mamwe taingoashaya mudzimba, mamwe achitsakatika akayanikwa.

“Dzimwe nguva taingoti atorwa nemhepo pawaya kana kuti atorwa nemakonzo mudzimba kudzimara pazoitika nyaya inoshamisa iyi,” amai ava vakaudza Kwayedza.

Vanoenderera mberi vachiti: “Angu matatu neevana vangu vasikana mana ndakazoaona mukati mematutu emabhurugwa akawanikwa mugomo asi ndikaasiya ariko.

‘‘Inyaya inotyisa nekuti zvipfeko zvemukati unogadzirwa ukaramba wongotevera kana kupedzisira wave nehumwe hurwere.

“Madzimai emuno tanga tofungirana pachezvedu, sevamwe vari muzvipari vanga vave kufungirana kuti vari kubirana kuti vanogadzirana seshanje pavarume.”

Mudzimai uyu anoti musha wavo unoratidza kuti une vanhu vanoshereketa zvikuru.

“Mumusha uri padyo nesu, wekwaMadzeewe, nguva yadarika kune murume akawanikwa aine tirangi raiva rizere mabhurugwa echikadzi izvo zvakafumurwa nemwanasikana wake mushure mekunge atadza kuroorwa. Murume uyu akatadza kutsanangura kuti mbatya dzechikadzi idzi aidziitisei sezvo iye asina mudzimai,” vanodaro.

Sabhuku Bere, VaJoel Bere Gotora (65), vanotsinhira nyaya yekushaikwa kwezvipfeko zvemukati zvechidzimai mumusha wavo vachiti vanhukadzi vakafuma vakashama asi vamborara vakapfeka.

“Nyaya iyi yakaitika, madzimai vakashaya mabhurugwa avo ayo vamwe vanoti akakururwa varere vasingazive, vamwewo vachiti vanoita ekushaya mudzimba kana kwavanogezera,” vanodaro sabhku ava.

Vanoenderera mberi vachiti, “Madzimai aya ashaya mabhurugwa avo, ndakazoona pano pouya madzimai anoti Elizabeth Shoriwa naElizabeth Chidavaenzi vachiti vainge vaona mirwi yemabhurugwa mugomo reMazimi. Ndakazotorana nemakurokota angu anoti Godfrey Katiyo naIgnatius Aaron ndokunoona mabhurugwa aya.”

Vanoti vakazoridzira nhare Sadunhu Nheyembwa – VaChamu Nheweyembwa – vachivazivisa nezvenyaya iyi avo vanonziwo vakazokwidza nyaya iyi kwaMambo Mangwende.

“Sadunhu vakati nyaya iyi yakaoma zvikuru, ndokuti vanoda kuunza maporofita nen’anga kuzochenura bhuku rangu izvo zvavasati vaita. VaNhehweyembwa vakazonditi nditore mabhurugwa aya ndienda nawo kumba kwangu, ayo ndakaisa muplastic ndikachengeta.

“Vanhukadzi vakawanda vakaona mabhurugwa avo asi zvisinei, vakatya kuatora. Ndakazoapisa zvave kundishupa kuti ndirambe ndakachengeta zvinhu zvakadai mumba mangu,” vanodaro Sabhuku Bere.

Vanoti nekuda kwenyaya iyi, kune mamwe madzimai nevarume vakatotama mumusha mavo.

“Nyaya iyi ndakaisvika kwaMudzviti nekwaMambo Mangwende. Tinoda kuti igadziriswe nekuti vana vangu vave kugara vachitya.”

Sabhuku ava vanoti mumusha mavo vane mhuri dzinokwana 380.

Sabhuku Bere vanotizve zvimwe zvipfeko zvemukati zvechikadzi zvakawanda zvakawanikwawo mugomo reMuchinjike, mudunhu rimwe chete iri.

“Uhwu huroyi hwakasimba uye huri pachena. Kune vanoda kutibatsira vanondibata ini sabhuku panhamba dzinoti 0783 387 474,” vanodaro.

Mudzimai wasabhuku ava, Mai Lucia Gwati (44), vanoti iyi inyaya inotyisa. “Zvakaitika ndisipo, asi tinoda kuti nyaya iyi igadziriswe nenguva,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naSadunhu Nheweyembwa naMambo Mangwende nezvenyaya iyi.

Gore rapera, mudunhu rimwe chete reMurehwa, pane mukomana akawanikwa aine murwi wezvipfeko zvemukati zvechikadzi mumba make asi ndokutadza kutsanangura kuti aiashandisei.

KwaMambo Njelele, kuGokwe, kune nyaya yakamboitikako, yevanhukadzi vaingofuma vasina kupfeka zvipfeko zvavo zvemukati asi vachimborara nazvo.

Share This:

Sponsored Links