Vakasungirwa kuitisana nharo

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VARUME vaviri vekuChitungwiza, avo vakange vari kupomerwa mhosva yekutuka mupurisa mushure mekunge aedza kupomhodza nharo dzavakange vachiitisana pamusoro pemabhanga, vakabuda mudare vaine mufaro mushure mekunge vachenurwa apo pakashaikwa umboo hwaivaroverera.

Morgan Tsoka (43) wepanhamba 3380 Unit D, naWalter Gandazhanga (52) wepanhamba 3476 Unit D zvakare, vaipomerwa mhosva yekukonzera nyonga-nyonga (Disorderly conduct as defined in section 41 of the Criminal Codification Act Chapter 9:23) apo vakamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

Mutongi wedare iri, Yeukai Chigodora akavachenura mushure mekushaikwa kweumboo hunovaroverera pamhosva iyi.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa24 Kurume gore rino munguva dzemanheru uye paTown Centre Complex yekuChitungwiza, mumhan’ari James Msindo wepanhamba 28 Fadzanayi Street, Zengeza 3, uyo anova mupurisa weZimbabwe Republic Police achishandira paZengeza Police Station, aidarika nepabhanga reCABS riri paTown Centre.

Msindo anonzi akaona vasungwa vaviri ava vachiitisana nharo maringe nemabhanga maviri anoti CABS neZB Bank apo mumwe aiiti mabhanga aya mamwe chete kunyangwe zvazvo aine mazita akasiyana, mumwewo achiti kwete.

Msindo anonzi akabva apindira achida kuedza kugadzirisa nyaya yavainetserana iyi asi vakatangisa kuita hukasha ndokumutukirira vachimuti abve panzvimbo yavakange vari.

Msindo akabva asunga vaviri ava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>