Uncategorized

Vakatengera njuzu doro, zviwitsi nemabhisikitsi -Vaida kuti munhu abude ari mupenyu

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Vakatengera njuzu doro, zviwitsi nemabhisikitsi -Vaida kuti munhu abude ari mupenyu VATIMOTHY Zigoni (kurudyi) vaitaura nyaya yavo apo Sekuru Mubaiwa (kuruboshwe) nevamwe vanhu vaive vakateerera.

Kwayedza

VATIMOTHY Zigoni (kurudyi) vaitaura nyaya yavo apo Sekuru Mubaiwa (kuruboshwe) nevamwe vanhu vaive vakateerera.

VATIMOTHY Zigoni (kurudyi) vaitaura nyaya yavo apo Sekuru Mubaiwa (kuruboshwe) nevamwe vanhu vaive vakateerera.

PANE imwe mhuri inobva kuMasvingo iyo svondo rapera yakatengeswa zviwitsi, mabhisikitsi, doro remumabhodhoro nezvimwe zvinotapira neimwe n’anga iyo yaiti izvi ndizvo zvaidiwa nenjuzu kuti idzose hama yavo iyo yakanyn’ura murwizi makore manomwe adarika. Zvinhu izvi zvakatengwa, vanhu ndokuita mazuva vari parwizi, vachikanda zvinonaka izvi mumvura mudziva apo vaitarisira kuona hama yavo achibuda ari mupenyu. Asi zvakakona n’anga murapwa achida nekuti nyakufira mumvura uyu haana kuonekwa, chakaperera mumvura bedzi ndezvinotapira nedoro zvainge zvatengerwa njuzu.

Vagari vekwaChundu, kuChirundu, vakaona bhaisikopu remahara iri apo imwe mhuri yakabva kuMasvingo, ichiti ine hama inofungirwa kuti yakatorwa nenjuzu murwizi rwaZambezi makore manomwe akadarika ndokutenga doro, zviwitsi, mabiscuits nemachira ichiti yakaudzwa nen’anga kuti izvi ndizvo zvaizoita kuti nyakufa adzoswe nenjuzu.

Mhuri yekwaNyamande, kwaShe Mapanzure yakaita mazuva maviri iri panodirira rwizi Mungwe munaZambezi apo paiva nebira mushure mekuudzwa nen’anga kuti mwanakomana wavo, Takesure Nyamande, uyo akany’ura murwizi urwu mugore ra2007 apo aiva pabasa kuParks and Wildlife Management Authority, ainge achiri mupenyu ari mumvura sezvo akatorwa nenjuzu. Vanhu ava vairidza mbira nekutamba kusango uku.

Mushakabvu anonzi aiva mubhoti nevamwe vake vaviri vari pabasa ndokusiya pfuti dzavo imomo apo iye akazodzokera achida kunodzitora achibva anyn’ura.

Paakashaikwa, zvinonzi nyanzvi dzezvekushambira dzemapurisa, dzeSub-aqua Unit, dzakabvongodza mudziva paakanyn’ura asi vakamushaya.

Panzvimbo pakawira Takesure panonzi pane mbiri yekutorwa vanhu nenjuzu.
Izvi ndizvo zvakaita kuti mhuri iyi ifambe kubva kuMasvingo yatenga tunonaka nedoro remumabhodhoro izvo zvainzi kana vakazvikanda mudziva, njuzu yaizoburitsa hama yavo ari mupenyu.

VekwaNyamande pavakaudzwa nezvekushaikwa kwaTakesure, vanonzi vakanzi nen’anga nemasvikiro hama yavo yainge yatorwa nenjuzu naizvozvo vaisafanirwa kuchema. Nekufamba kwenguva, zvinonzi kwakazotanga kubuda mashoko ekuti Takesure aiva mupenyu, dzimwe nguva achinzi aiuya kuhope kuhama dzake.

Izvi zvakazoita kuti vemhuri iyi vanotaura nevakuru venzvimbo yekwaChundu, kuMashonaland West, kuti vabatsirwe.
Mhuri iyi yakazobva kuMasvingo nemusi weChishanu svondo rapera ndokunoungana kunaZambezi mangwanani emusi weChipiri chakadarika kusvika manheru eChitatu.

Izvi zvakaitwa mushure mekunge pabikwa doro rechivanhu, patengwa hari, makireti matatu edoro remumabhodhoro, zviwitsi nemabhisikitsi uye machira machena, matema nematsvuku. Zvose izvi zvainzi zvaizoshandiswa nen’anga kuti Takesure abude mumvura ari mupenyu.

Mhuri iyi inoti yakanga yambotsvagawo masvikiro kuMasvingo ndokuzowana imwe n’anga yekuHurungwe inonzi Tateguru Artwell Nyachowe (62), iyo inonyanya kuzivikanwa nekuti Sekuru Mubaiwa.

Babamudiki vemuchakabvu, VaTimothy Zigoni (65), vanoti kubva Takesure paakanzi afa, vaingoudzwa kwavaifamba kuti mupenyu.
“Mwana wangu anonzi aiva nevamwe vari mubhoti apo akangoerekana anyn’ura mumvura mushure mekuitika kwemhepo yaisanzwisisika. Takazonozvitsvaga kun’anga tikanzi mupenyu, hatina mutumbi wake wakatawana kusvika izvozvi.

“Takauya kuno kanokwana kashanu ndokuzotaura naShe Chundu, avo vakatipa mvumo yekuuya kuzoita chivanhu ichi tikanzi tishande nesvikiro rekuno ratinaro nhasi,” vakadaro.

Vanoti pavakaungana nemusi weChipiri vakavimbiswa nen’anga iyi kuti Takesure aizowanikwa ari mupenyu, vachinzi aizobuda mudziva voenda naye ari mupenyu kuMasvingo.

“Takazoita bira redu apo tairidza mbira nengoma tichidzana nekuimba tiina Sekuru Mubaiwa avo vaitungamirira basa iri. Vainge vativimbisa kuti Takesure aizobuda kunze kwave kunoyedza uye pekutanga takange tambonzi titenge bhuru remombe dema izvo tisina kuzoita,” vakadaro.

VaZigoni vanoti svikiro iri raitevedza kumahombekombe erwizi Zambezi panzvimbo inonzi yakatorerwa Takesure nenjuzu richivimbisa vanhu kuti mushakabvu aizobuda ari mupenyu bedzi.

“Isu semhuri yekwaNyamande, hatina kufara nekuti svikiro rakazoshandura nyaya kunze kwava kunoyedza richiti mwana uyu raiva rataura naye achiti akanga asisakwanise kubuda sezvo ‘akanga avawo njuzu’.

“Padoro remakireti 3 atakatenga, mabhodhoro matatu bedzi ndiwo akakandwa mumvura, zviwitsi nemabiscuits zvikadyiwa nevanhu. Chionai kuti kubva kuMasvingo kwese uko hapana chabuda, hatina kufara nazvo,” vakadaro.

Vemhuri iyi vanoti mumwe akaberekwa pamwe chete naTakesure, Simbarashe Nyamande, uyo ari kuAustralia, anogara achirota hope dzinoti Takesure akatorwa nenjuzu.

Mainini vaTakesure, Mai Maceline Ganga (46), vanoti sezvo vimbiso yavakanga vapihwa nen’anga iyi isina kuzadziswa, vaifanirwa kunge vakaenda kwaChundu nedzavowo n’anga kubva kuMasvingo.

“Takauya isu neChishanu kusvika nhasi Chitatu tichinzi ndipo pachaburitswa mwana asi tave kuzotaurirwa kuti akapinduka kuita njuzu saka haachakwanisa kubuda. Zvinonetsa izvi,” vakadaro.

Vemhuri iyi vanoti kuti basa iri rizoitwa, vakanzi vabvise mari inokwana US$270 yaisanganisira yekwashe neyemasvikiro.
Tete vaTakesure, Ellah Soul (57), vakati zvakaitwa hazvina kuvafadza nekuti vaiita sekunge vakanyeperwa nen’anga iyi.
Nzvimbo yakawira murume uyu iri pasi peChiwore Game Park apo pakanoungana vemhuri iyi vaine vashandi veParks and Wildlife Management Authority, mapurisa nevagari veko.

Svikiro iri, iro rakamboramba kutaura nevatori venhau, rakazoti rainge rataura nemweya waTakesure rikaudzwa kuti akanga asisakwanise kubuda mumvura nechikonzero chekuti akasanduka achiita njuzu.

“Haachagona kubuda, ava njuzu. Achatozodzoka kuhama dzake ava mweya achizorapa zvikuru pachasvika mweya wake,” vakadaro Sekuru Mubaiwa. “Ndakapinda mumvura kanokwana kana ndichidzoserwa kunze nemweya wemwana uyu, arimo asi haachabuda.”

N’anga iyi inoti yakambodzosa munhu akanga atorwa nenjuzu panodirira rwizi rwaChiwore munaZambezi.
“Pane anonzi Mbureyi akatorwa nenjuzu ndikanomuburitsa kwapera mazuva maviri ari mupenyu. Kutaura kuno ava n’anga, shangwiti,” yakadaro n’anga iyi.

Zvisinei, vamwe vaive pachiitiko ichi vanoti svikiro iri vakariona rakadhakwa zvekuraradza sezvo richinzi rakanwa mabhodhoro 14 edoro rakanga ratengwa iri.

“Hapana changa chichiitika apa, Sekuru Mubaiwa varara vachinwa doro. Nguva yose yairidzwa ngoma nembira vanhu vachitamba sekuru ava vainge vakatokotsira zvavo,” akadaro mumwe murume.

VaNyamande vakati vaizodzokera kumusha kwavo kuMasvingo uko vachanogara pasi nevamwe, voona kuti vangazodzokera zvakare here nen’anga dzekumusha kwavo.

Ishe Chundu, VaAbel Mbasera (44), vanoti vakapa vanhu ava mvumo yekuti vanoita chivanhu chavo. “Ndakavabvumidza ndataura neveNational Parks nemapurisa basa rikanzi rienderere mberi. Kana vaine zvavanoda zvakare vanoramba vachidzoka,” vakadaro.
“Mwana uyu aiva mushandi kuNational Parks kuMongwe, kuMana Pools, uye akawira mumvura makore 7 akadarika,” vakatsanangudza vachidaro.

VaMoffat Marashwa, avo vanove nyanzvi munyaya dzechivanhu vachigarawo munzvimbo iyi, vakati kana chivanhu chakatadza kutevedzwa apo munhu anenge atorwa nenjuzu, anotadza kudzoka ari mupenyu.

“Hapadiwe vanhu vakasviba kana vanoita zvechifambi, munhu anotadza kubuda,” vakadaro VaMarashwa.

Share This:

Sponsored Links