Uncategorized

Vakazivira rufu rwemwana wavo paWhatsApp

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Vakazivira rufu  rwemwana wavo  paWhatsApp

Kwayedza

MUTUMBI waElizabeth Katsande zvichitevera kudonha kwaanonzi akaita mugomo reMutemwa kwaMutoko.

MUTUMBI waElizabeth Katsande zvichitevera kudonha kwaanonzi akaita mugomo reMutemwa kwaMutoko.

VABEREKI nehama dzepedyo dzemumwe musikana aidzidza paCatholic University in Zimbabwe, muHarare, vakarohwa nehana ndokusara vazere nekushushikana apo vakazongoona nyaya nemifananidzo yechitunha chemwana wavo paWhatsApp zvichinzi ainge afa mushure mekutsvedza pamawere egomo reMutemwa uko ainge aenda nevamwe vadzidzi kunonamata.

Mifananidzo yechitunha chainge chakapaikira pakati pematombo mugomo, zvose nenyaya yekufa kwaElizabeth Katsande (22), zvakangoerekana zvamwaiwa padandemutande reWhatsApp svondo rapera asi vabereki, hama dzepedyo neshamwari vasati vaziviswa nezverufu rwemusikana uyu zviri pamutemo.

Mushakabvu Elizabeth ange ave mugore rechipiri achiita zvidzidzo zveBusiness and Communication Studies payunivhesiti iyi uye akafa apo akange aenda kumunamato nevamwe vaaidzidza navo kugomo iri. Vange vava kugadzirira kuzonyora bvunzo.

Nyaya yerufu rwemusikana uyu yakatenderera zvakanyanya paWhatsApp, apo hama dzake dzakazvizivira kekutanga, izvo zvakaita kuti vamwe vambotadza kuzvibvuma.

Kwayedza yakaenda kuGlen View 1, muHarare, nemusi weChitatu svondo rapera uko Elizabeth aichemerwa.

Babamudiki vake, VaMunesu Katsande (47), vanoti vari kurwadziwa zvikuru nerufu rwemwana wavo asi havana chakaipa chavanopomera yunivhesiti iyi.

“Zvandingatsanangura ndezvekuti Elizabeth akabva kuchikoro kwake aine mafomu aida kusainwa kuti akwanise kuenda kumunamato wekuchechi nevamwe vekuchikoro. Ini semuchengeti wake, nekuti mwana uyu akasiiwa nevabereki vake achiri kuenda kukireshi, ndini ndakamusainira kuti ange achienda nevamwe.

“Saka vakaenda kugomo uku nemusi weMugovera (18 Gumiguru) ndikatomuti asiye aisa makii emba nechepasi pegonhi. Pazuva iri aitodiwa kuti ange achienda kwairoorwa mukoma wake asi nenyaya yekuti aida kuenda kumunamato, haana kuzokwanisa kubatanidza zvose zviri zviviri,” vakadaro.

Vanoti vakazoshamisika kunzwa kuti kukereke yeRoman Catholic, kuHighfield muHarare, nomusi weSvondo uyo waashaya, kwakadaidzirwa kuti kune musikana akafa mushure mekudonha mugomo.

“Takatofonerwawo zvave kubva kuHighfield kuti ndozvaitika uye kuti zvakatodaidzirwa muchechi tikashamisika.

“Ndinofunga kuti ndingadai ndakaziviswawo zviri pamutemo zvisati zvasvika kune veruzhinji nekuti pamafomu ake andakasaina ndakaisa zita rangu nenhamba dzangu dzenhare.

“Ave manheru (eSvondo) ndipo pandakazofonera imwe hanzvadzi yangu inoshanda kuHarare Central Hospital ikatsinhira kuti zvedi ndizvo zvayainge yanzwa zvakazoita kuti ndifonere ambuya vangu vekwaMutoko vanove vakazoenda kumapurisa eko vachibva vataurirwa kuti ndiElizabeth Katsande ainge ashaya mushure mekudonha mugomo,” vakadaro.

“Ndakazoenda kwaMutoko tikanotora mutumbi wake ukaendeswa kumochari yeko asi takazoutora tave kuuendesa kuNyaradzo tichimirira mamwe madzikoma angu kuti tinge tichironga pamwe chete nyaya yekuvigwa kwake.

Ndinodaira tichanomuviga kumusha kwaMutoko.”

VaKatsande vanoti vakangonzwawo nevamwe vadzidzi vepayunivhesiti iyi, avo vainge vauya kuzobata mawoko kumba kwavo, kuti Elizabeth akaoneka munguva dzemanheru achiti akange ave kunosangana neimwe hama yavo iyo yakange yamufonera ichida kumuona ichinzi inogara munzvimbo iyi.

“Vamwe vanoti akadzika kwatosviba saka anenge akatadza kuona zvakanaka achibva aenda nedivi risiriro uko kune mawere egomo.

“Handina hangu fungiro yakaipa kuchikoro kana kuvamwe vadzidzi kuti titi akasaidzirwa asi kuti mwana anogona kudaro akangodonha oga nekutadza kuona uye kaive kekutanga kake kukwira gomo iri zvisinei nekuti ndiko kumusha kwedu,” vakadaro.

Vamwe tete vemushakabvu, avo vasina kuda kudurwa nezita ravo, vakashora maitiro evamwe vanhu, zvikuru pakufambisa mashoko erufu nemifananidzo yemwana wehanzvadzi yavo padandemutande asi ivo vasati vaziviswa zviri pamutemo.

“Zvinhu zvinongotyisa kuti unongoziviswa rufu neWhatsApp iwe uchifunga kuti mwana mupenyu.

“Kuita kwakadaro kwakaipa nekuti isu takange tichingoti mwana wedu mupenyu, ari kunamata nevamwe, wozongonzwa vamwe vave kuti nematambudziko paWhatsApp. Vamwe vakangotanga kutumira mifananidzo ine mutumbi wake atofa.

“Tiri vanhu vane hana nhete nezvirwere zvakasiyana. Ko kana munhu akarohwa nehana akafa?” vakadaro tete ava.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Paul Mwanza, havana kukwanisa kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi vachiti vakange vasina ruzivo nezvayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey