Vakuru vezvikoro vakamiswa mabasa

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Vakuru vezvikoro vakamiswa mabasa Prof Mavima

Kwayedza

VAKURU vezvikoro 20 zviri kuMidlands vakambomiswa mabasa neHurumende zvichitevera huwori hwavanonzi vaiita vachiba mari dzezvirongwa zvemaSchool Development Association (SDA).

Vamwe vakamiswa basa vanosanganisira Manson Mudzingwa wekuGuinea Fowl High School, mukuru weKwekwe High School uyo akangozivikanwa nezita rekuti Shumba uye vose vakatopihwa matsamba ekumiswa mabasa svondo radarika.

Mudzingwa ari kutarisana nemhosva 19 dzekusaiita basa rake nemazvo apo anonzi akaba midziyo yechikoro nemari yeSDA.

Shumba ari kupomerwawo kusaita basa rake zvakanaka kunyangwe zvazvo mhosva chaiyo yaakapara isati yaziviswa.

Kumiswa basa kwevakuru vezvikoro ava kunotevera ongororo iri kuitwa nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari yakanangana nevamwe vakuru vezvikoro vari kutyora mitemo yebasa ravo.

Vamwe vakuru vanoona nezvefundo kubazi redzidzo vanotsinhira kumiswa basa kwevakuru vezvikoro gumi vachipomerwa yekusashandisa mari dzechikoro zvakanaka.

Mukuru anoona nezvedzidzo kudunhu reMidlands, Mai Agnes Gudo, vanotsinhirawo nezvekumiswa basa kwevakuru vezvikoro ava.

Vanoti huwandu hwevakamiswa mabasa hahudarike makumi maviri zvisinei nekuti havana kuda kudura huwandu hwemari inonzi yakabiwa muzvikoro. Asi vakati vabereki vari kuti inosvika kumamiriyoni emadhora.

VaPatrick Zumbo, avo vanove mutauriri kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, vakavimbisa kuzopa bepanhau redu reChronicle mashoko azere ehuwandu hwevakuru vezvikoro vakamiswa basa asi havana kuzozviita izvi kusvika pakudhindwa kwebepanhau iri.

Mumwedzi waMbudzi gore rapera, vamwe vakuru vechikoro vepaChikumbiro Primary, Mkoba 3 neNkhululeko High School vakamiswa mabasa mushure mekuonekwa kuti vakange vasiri kushandisa mari dzechikoro nemazvo zvichitevera ongororo yakaitwa nebazi redzidzo.

Vamwe vakamiswa basa vanosanganisira Ronnie Munhenzva wepaMkoba 3 High, Jealous Sungwa wekuNkhululeko High, Tariro Matongo wepaChikumbiro Primary, William Ncube wepaBulawayo Milton High School nemutevedzeri wake Nosizi Muleya avo vaipomerwawo mhosva imwe chete.

Mukuru weTownsend High, Millicent Moyo, akamiswawo basa mushure mekutengesa nharembozha dzevana vechikoro pasina mvumo.

Ongororo yakaitwa nebazi redzidzo inoratidza kuti vakuru vezvikoro vanogona kudaro vakashandisa mamiriyoni emari dzechikoro zvisina tsarukano.

Pasi pechirongwa ichi, zvikoro zvinodarika 1 800 (18%) zvakaongororwa pakaonekwa kuti mamwe magwaro “akabikwa” zvechikiribi senzira yekunzvenga mhosva dzehuwori.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanotsinhira kuti ongororo iyi yakabatsira mukuburitsa pachena nyaya dzehuwori idzo dzange dzadzika midzi muzvikoro.

Vanoti zvikoro zviri kubata mari inodarika 1 miriyoni yelevy gore negore.

Prof Mavima vanoti kana nyaya dzehuwori dzikaregedzwa dzichiitika, dzinokonzera kuti zvikoro zvirambe zvakasaririra munyaya dzebudiriro. — The Chronicle.

 

Share This:

Sponsored Links