Valdes ari panguva yakaoma

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Valdes ari panguva yakaoma

Kwayedza

MUBATI wepagedhi, Victor Valdes, ari panguva yakaoma kuManchester United zvichitevera kuudzwa kwaakaitwa kuti anofanirwa kuita gadziriro dzake ega panguva dzakasiyana nechikwata chose. Murairidzi weUnited Louis van Gaal akaisa mutemo uyu uyo uchaona mubati wepagedhi uyu achiita gadziriro dzake ega kure nevamwe vatambi vechikwata ichi.

Valdes, uyo aimbotambira Spain neBarcelona, akaudzwa kuti anofanirwa kuuya kuCarrington HQ panguva iyo Van Gaal nevamwe vatambi pavanenge vasipo.

Zvinoreva kuti shasha iyi (33) inofanirwa kuita gadziriro dzayo masikati kana chimwe chikwata chasangana mangwanani kana kuti mangwanani kana chichisangana masikati.

Matanho aya anorakidza kuoma mwoyo kwaVan Gaal izvo zvinonzi hazvizi kufarirwa nevanhu vakawanda kuOld Trafford.
Valdes akauya pachena kuchikwata ichi kuti azenge achibatsira David de Gea mwaka wadarika zvichitevera kubva kwaakaita kuNou Camp.

Akakwanisa kutamba mitambo miviri chete ndokubva akonana naVan Gaal mwaka wenhabvu uno usati watanga achipomerwa mhosva yekuramba kutambira chikwata chevadiki ndokukundikana zvakare kuenda kuBesiktas iyo yaida kumutenga.

Masvondo maviri adarika, Van Gaal akati Valdes anofanirwa kuita gadziriro dzake achishanda nemaU21 neU18 achirairidzwa nevarairidzi vemuAcademy kana vamwe vatambi vemuchikwata chevakuru vasipo.

Asi zvinonzi Van Gaal haasati ambotaura nechizvarwa chekuSpain ichi pamusoro pemashandiro aanofanirwa kuita uye anonzi akasiira zvose mumawoko evamwe varairidzi.

Valdes akahwina mikombe yemuEurope yakawanda iyo inosanganisira weLa liga katanhatu neCopa del Rey kaviri mumakore 12 achitambira Barcelona. — Daily Mirror

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>