Uncategorized

‘Vamwene imi muri muparanzvongo’

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

 ‘Ndimi munonyengera
murume wangu pfambi’

Trymore Muvhawa

MUROORA akamuka chibhebhenenga ndokupwanya mahwindo epamba paamwene vake pamwe nekuvatukidzira achivapomera mhosva yekutsvagira murume wake vamwe vakadzi.

Kupukai Kutinyu, uyo anogara kuMbare, akatozomhan’arira muroora wake, Alice Nhera, kudare reHarare Civil Court.

Kutinyu akaudza mutongo wedare iri, Yeukai Dzuda, kuti: “Mambo wangu, muroora uyu anotuka mashoko anobaya moyo. Anondirwadzisa zvisingaite, achindipomera mhosva dzandisingazive.

“Gore rapera akauya kumba akagumbuka akasvikopwanya mahwindo pamba pangu achiti ndini ndinoita basa rekutsvagira mwana wangu vamwe vakadzi. Haana kana kundipa mukana wekupindura achingopopota chete.”

Nhera akaudza dare kuti vamwene vake vaitaura chokwadi kuti akavatuka uye kupwanya mahwindo emba achiti ivo ndivo muparanzvongo. “Hongu, ndakavatuka pamwe nekuputsa mahwindo nekuti ndaive ndakashatirwa nemaitiro avo ekutsvagira murume wangu mamwe madzimai. Ndakarambana nemurume wangu muna 2013 ndokutanga kuzviraramira zvangu ndichizvichengeta. Asi murume wangu akazodzoka kwandiri gore rapera achikumbira ruregerero ndikamutambira.

“Ndaifunga kuti pamwe kahunhu kaamai vacho kakapera saka pandakaona vatanga futi ndakangofunga kuti kuvaudza chokwadi ndokuzvipedza, ndichivaratidza kuti ndinorwadziwawo uye ndiri munhu,” akadaro Nhera.

Akaenderera mberi achiti: “Kumba kwavo hazviite kuti ndirege kusvikako nekuti kana ndanetsana nemurume wangu anoenda ikoko saka ndinofanira kutosvika ikoko kuti tidzokere kumba tose.

“Zvakare pasina kunetsana kwangu nemurume wangu, vanogara nemwana wangu musikana ane makore 17 ekuberekwa saka ndinoita kuudzwa nevanhu kuti anopinda mumba nguva isina kufanira uye kuuya pamba pacho akadhakwa asi ivo havadi kumutsiura. Ndikati ndiende kunotaura naye havadi saka ndodii?”

Mutongi Dzuda akapa Kutinyu gwaro redziviriro ndokuudza Nhera kuti kana achidawo gwaro iri akasununguka kuisa chikumbiro chake kudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey