Uncategorized

Vana 100 nevakadzi 10 . . . Vanobika 50kg yehupfu pazuva . . . ‘Handisi kumira, ndoda vamwe’

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Vana 100 nevakadzi 10 . . . Vanobika 50kg yehupfu pazuva . . . ‘Handisi kumira, ndoda vamwe’

Kwayedza

IMBOFUNGA kaupenyu aka. Murume ane madzimai 10 nevana vanodarika 100. Vangadai vachidarika apa asi vamwe vakashaya. Hapana nguva yaungasvika pamusha pake ukashaya mukadzi ane mimba kana mwana ndumurwa.

Hupfu hwesadza vanoshandisa 50kg pazuva, shuga 20kg, mafuta ekubikisa vanonzi vanotoda dhiramu. Pavana vose vari pamusha izvozvi, hapana akapfeka shangu uye vamwe vacho havazive musiwo wechikoro.

Apa “murume chaiye” ari kudevedzera kuti, “Basa pamberi, ndinotoda vamwe”.

Nekune rimwe divi, madzimai acho ari kuti, “Tiri munzara, baba havatigutse.”

Muchidimbu, aya ndiwo mamiriro akaita mhuri yaSekuru Tauzeni Mujaji (86) avo vagere kwaMambo Garahwa, kuChipinge.

Murume n’anga uyu ane madzimai gumi nevana vanodarika 100 uye anoti achiri kuda kuramba achikudza mhuri yake – nekuiita mamwe madzimai nevana.

Zvisinei, nzou iya yava kuremerwa nenyanga dzayo zvino sezvo murume uyu ava kuchema-chema nekuda kwenzara yapfunya chisero pamusha pake.

Sekuru Mujaji, vemasabhuku Rasireni, havazive vamwe vana vavo nemazita kana kuti vanaamai vavo ndiani. “Changu bedzi kukudza rudzi,” vanodaro.

Zvisinei nenzara yarura pamusha pavo, musharukwa uyu ari kuramba achibereka nekutora mamwe madzimai.

Sekuru Mujaji, avo vanorapa vari pasi pesangano reZinatha, vanoti vakatoramba kana kurambwa nemamwe madzimai gumi, mumwe chete aiva vahosi ndokufa.

Vakafirwazve nevana gumi nevazukuru vaviri.

N’anga iyi, iyo inova chizvarwa chekuShai Shai, kuManjakaza kunyika yeMozambique, inoti yakatanga kurapa mugore ra1960 isati yayambuka kuzogara muZimbabwe muna 1980.

“Nyika yaoma iye zvino nekuti isu n’anga hatisisina mari sezvataiva kare. Ini nemadzimai angu ari gumi nevana vanodarika zana nevazukuru makumi mashanu tose tapfidza nenzara. Handina munda mukuru wekurima, ndine mahekita maviri bedzi ayo anongova nematombo oga-oga,” vanodaro vachimonera dehwe rembada raiva nyoro.

Panguva yaiitwa hurukuro yenyaya ino, pamusha paSekuru Mujaji paiita kunge padambanevana kana kuti pakireshi vana nevazukuru vavo vachiita zhowe-zhowe muchivanze.

Sekuru Mujaji vanoenderera mberi vachiti: “Pazuva tinobika sadza nehupfu hunokwana 50 kg, svutugadzike yemangwanani bedzi tinoda chipo che20 kgs dzeshuga. Chingwa tinodya marofu 50 kana kudarika pazuva.

“Kuzoti mafuta ekubikisa, pamwedzi tinoda chipo chedhiramu. Mhuri yakakura kani.

“Ndava kuremerwa kuchengeta mhuri yangu. Ndinokumbira rubatsiro kubva kuHurumende. Mbatya kana sipo chaiyo hatina. Asi handisi kumira kuita vamwe vana nemadzimai.”

Pamadzimai avo, mumwe nemumwe anozvibikira nemhuri yake, kureva kuti panobikwa mabhodho gumi anonzi ma”Size 10”.

Vana vavo vanoenda kuchikoro vanokwana 50 kusanganisira nevazukuru, asi 20 havachapinda chikoro nekushairwa mari.

Vamwe vana vavo vari kubatsirwa nevana vakura vekune dzimwe dzimba.

“Mamwe madzimai angu ava kubatsirwa nevana vavo vakura. Pane mamwewo madzimai asina vana vanoshanda kana kuti vakura, avo ndinobatsira ini sababa asi zvava kundikunda.”

Nekuda kwedambudziko rekushomekerwa nezvekudya, zvinonzi pamusha apa panogona kurarwa nenzara kwemazuva maviri kana kudarika. Izvi zvinoita kuti vamwe vana nemadzimai vapedzisire vaenda kunopemha kumugwagwa mukuru unobatanidza Chipinge neChiredzi.

“Dunhu redu mvura hainaye zvakanaka, kana ukarima haukohwe zvinogutsa. Mhuri yangu yave kugara senherera kana kuti senhapwa ini baba ndiri mupenyu.

“Vanhu vandinorapa havana mari, ndave kungovashandira mahara. Ukatoona anokupa mombe kana mbudzi wototenda,” vanodaro “baba chaivo” ava.

Vanoti sezvo Kisimusi yaswedera, chishuwo chavo ndechekuti vagodya nekufarawo semhuri asi izvi hazvikwanisike nekuda kwenzara.

“Kisimusi yasvika iyi ndinodawo kubatsirwa kuti ndidyewo zvinonaka nevana vangu. Ndine vandakarapa vakakwirira zvikuru saka ngavandibatsirewo.”

Sekuru Mujaji vanoramba mashoko anotaurwa munharaunda yavo anoti kana vakabatsira munhukadzi, kana akazoshaya mari yekuvabhadhara vanobva vamutora vachimuita mudzimai wavo.

“Madzimai ndinopfimba ndega, kwete zviri kutaurwa izvozvo,” vanodaro.

Pamusha pemusharukwa uyu pane dzimba dzinosvika 34 nemotokari dzakafa dzine chitsama. “Handinyare kutaura kuti vana vangu havachaziva nyama pano.’’ Mwana mukuru waSekuru Mujaji anonzi ava nemakore 55 ekuberekwa uye mudiki wacho ane gore.

Votaura nenyaya yezvekufadza madzimai avo parudo, Sekuru Mujaji vanoti vachakasimba sezvo vachishandisa mishonga.

Zvisinei, mamwe emadzimai avo anopikisana nemashoko aya vachiti vari kugariswa nenzara sezvo murume wavo akawandirwa uyewo nekuda kwezera rake, “hapasisina chinobuda mubhedhuru”.

“Takawandisa, baba havachatigona. Tave kungogarira mhuri yedu. Vamwe vedu vadiki zvikuru uye vachine simba,” anodaro mumwe wemadzimai aya.

Pamadzimai aSekuru Mujaji, mukuru wacho ane makore 60 okuberekwa mudiki aine 30.

Madzimai en’anga iyi ndeanoti Mavis Manjonjonjo, Chiraswa Ganje, Makanani Magojo, Locky Ngwenya, Magarate Ndlovu, Netsai Tirivanhu, Fathewani Ndlovu, Idah Mashava, Loice Mavheneka naEsterry Makhuza.

Mamwe emadzimai aya vakakurukurwa navo neKwayedza vanoti chishuwo chavo kuti vawane anovabatsira kuitira kuti vana vavo vakwanise kuenda kuchikoro uyewo nekuti vagare upenyu hwakanaka.

Asi Sekuru Mujaji vanoti shavi ravo richiri kuda mamwe madzimai sezvo vachiti havaite zvavo voga, asi vanotevera zvinodiwa nemudzimu uri pavari. Pachipari ichi vanoti havana dambudziko rezvirwere zvepabonde zvinotapuriranwa sezvo vachiti vanovimbana zvikuru nemadzimai avo nekugutsikana nezvavari.

“Kana vemachechi chaivo ngavauye vandibatsirewo, mhuri yangu yaparara nenzara,” vanodaro Sekuru Mujaji.

N’anga iyi igere pedyo nerwizi Save pamuganhu weManicaland neMasvingo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>